Accessibility links

Breaking News

Mapurisa kuChinhoyi Anorambidza Nhengo dzeCCC Kuungana Dzichirangarira Zuva reDay of The Africa Child


Mapurisa anodzivirira mhirizhonga.
Mapurisa anodzivirira mhirizhonga.

Mapurisa ekuChinhoyi arambidza vechidiki vebato rinopikisa reCitizens Coalition for Change kuita mhemberero dzeDay of the Africa Child. Izvi zvinotevera kusungwa kwedzimwe nhengo dzebato iri nezuro muHararae mushure mekunge dzaungana nechinangwa chekucherechedza zuva reDay of the African Child.

VaAmos Chibaya avo vange vachifanira kutaura nevechidiki ava pamahofisi ebato ravo vati mapurisa amuka akazara pamahofisi avo zvekuti vechidiki havana kuzokwanisa kupinda pamahofisi. Kuitira kuti vacherechedze zuva re Day of the African Child

"Hauna kugona kuti uenderere mberi tatongosvika pakazara mapurisa tikati nhai veduwe ndambudziko nderei zvikanzi hamuna kuzivisa mapurisa tikati tozivisa mapurisa here kuita musangano pahofisi yedu inozikanwa. Komisangano yedu yose yatinoita pasina mhirizhonga kozvazodii"

VaChibaya vaudza Studio 7 vari kuChinhoyi kuti hapana kana munhu mumwe chete asungwa. Vatiwo vanoshushikana kuti vari kurambidzwa kuita misangano pamahofisi avo.

"Saka tinokahadzika chose kuti shuwa shuwa chii chinovhundutsa mapurisa chii kuti vanhu vaungane vachipepemberere zuva rinocherechedzwa gore negore."

VaJameson Timba.
VaJameson Timba.

Zvichakadai, nhengo makumi manomwe nesere dzakasungwa kumba kwemumwe mukuru weCCC, VaJameson Timba, apo dzaipemberera Day of the African Child dzichamiswa pamberi pedare neChipiri.

Rimwe remagweta evasungwa ava, VaMarufu Mandevere, vati vasungwa ava vane zvichemo nemabatirwo adzakaitwa padzakasungwa nemapurisa.

"Vasungwa vose vakarohwa panguva yekusungwa, vakanyikwa mumvura inotonhora vamwe vakatyoka maoko nemaoko uye vari kurwadziwa."

Vatiwo vamwe vevasungwa vari kuchipatara uye pane mumwe mudzimai akatyoka makumbo nemaoko.

Vati vanhu ava vari kupomerwa mhosva yekuita musangano zvisina mvumo yemapurisa pamwe nekusazvibata zvine mwero.

"Vazhinji vacho vari kuti havana mhosva yavakapara sezvo vaive vasiri panzvimbo yejekerere yekuti ani nani anokwanisa kunge achisvika ipapo."

Hatina kunzwa divi remapurisa sezvo mutauriri wemapurisa Commissioner Paul Nyathi vange vasiri kubatika panhare mbozha yavo.

Vanoongorora nyaya dzematongerwo enyika vachishanda nesangano reZimbabwe Democracy Institute, VaStanford Nyatsanza, vaudza Studio 7 kuti zvinosuwisa kuti vechidiki vari kusungwa vachirambidzwa kuita misangano yekupemberera kodzero dzavo.

"Kusungwa kwakaitwa vechidiki kana kurambidzwa kuitwa mhemberero dzeDay of the African Child zvinhu zvinorwadza kana takatarisa kodzero dzevanhu."

Zuva reThe Day of African Child rinocherechedzwa gore rega rega musi wa Chikumi 16, pachirangarirwa kusungwa kwevana vechikoro vekuSouth Africa muna 1976. Zuva iri rakatanga kucherechedza neAfrican muna 1991.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:57 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG