Accessibility links

Breaking News

Vatongi Vatsva veDare rePamusoro Vanogadzwa Paine Kurudziro yeKuwedzera Huwandi hweMadzimai Mune Remangwana


Vatongi vedare vagadzwa.
Vatongi vedare vagadzwa.

Vatongi gumi nemumwe vedare repamusoro vagadzwa neMuvhuro mushure mekusarudzwa Judicial Service Commission.

Gurukota rezvemutemo, VaZiyambi Ziyambi, vati kugadzwa kwaitwa vatongi ava kucharerutsa kutongwa kwedzimoshova munyika.

"Chirongwa chaitwa nhasi chinobatsira kuti nyaya dzinge dzichiitwa nenguva dzigarise kumatare."

Mutungamiri wesangano rinomirira magweta munyika, Law Society of Zimbabwe, Amai Rumbidzai Matambo, vatiwo kuwanda kwevatongi kwakanaka nekuti kunoita kuti matare atonge mhosva nekukasika.

Asi vati havasi kufara kuti nekushomeka kwemadzimai pavatongi vagadzwa neMuvhuro.

Pavatongi gumi nemumwe vagadzwwa nhasi, vatatu chete ndivo madzimai.

Vanoongorora nyaya dzemagariro akanaka evanhu, VaTendai Ruben Mbofana vaudza Studio 7 kuti kunyange kuwanda kwevatongi kwakanaka zvakakokosha kuti vatongi vaite basa ravo vasina divi ravakarerekera.

"Asi chiri kutinetsa ndechekuti vamwe vakadomwa naVaMnangagwa vanhu vanotozikanwa kuti ndovakaita mukurumbira wekupa vanhu vano pikisana nehurumende mitongo yakaomarara kazhinji kazhinji vachinyimwa kodzero dzavo dziri pabumbiro remutemo vachinyimwa mukana wekubhadhara mari yechibatiso kuti vatongwe vachibva kumba. Takaona VaHopewell Chin'ono vachibvisirwa gweta ravo Amai Beatrice Mtetwa."

Asi VaZiyambi vanogaro taura kuti vatongi vanoita pasi ravo pajekerere uye hurumende haipindire pamashandiro avo.

Zimbabwe yava nevatongi vedare repamusoro makumi mana nevatanhatu.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:35 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG