Accessibility links

Breaking News

Mutori weNhau weStudio7 Lucy Yasini Akashaya Nezuro


Lucy Yasini
Lucy Yasini

Mutori wenhau weStudio 7 Lucy Yasini akashaya nezuro maneru kuchipatara che St Annes muHarare mushure mekurwara kwenguva pfupi. Lucy akatanga kushandira Studio 7 muna 2008 mushure mekumboshandira nhepfenyuro yeZBC uye yeSABC News.

Sangano revatori venhau reZimbabwe Union Of Journalists ratumira mashoko enyaradzo richiti nyika yarasikirwa nemutori wenhau ange aine makore makumi matatu achiita basa iri uye akazvipira.

Mukuru wesangano rinorwira kodzero dzevatori venhau reMISA-Zimbabwe Doctor Tabani Moyo vanoti vaishanda zvakanaka nemufi.

Vati aive nhengo yesangano ravo uye akashanda kukurudzira nekushambadzira mabasa avo muHarare kana kuti advocacy.

Vati rufu urwu rwunorwadza zvikuru. Mumwe mutori wenhau akashanda naLucy, Annah Chibhamu uyo anoshandira bepanhau reNewZimbabwe.com anoti arwadziwawo zvikuru nekushaya kwasahwira wake. Annah audza Studio 7 kuti, "Ndiri kurwadziwa nekushaya kwaLucy sezvo ange ari munhu anoparubatsiro kuvatapi venhau vakawanda munyika nyanya madzimai echidiki."

Atizve, " Ini Lucy akandibatsira ndichangobva kumaruwa kwandayishanda nekundipa ruzivo rwekutapa nhau," Annah Chibhamu audza Studio7.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:08 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:00:11 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG