Accessibility links

Breaking News

Nyaya yeKunzi 'Shingai Uri Murume' Yopa Kuti Vamwe Vavo Vazvisungirire


School Hanging Suicide
School Hanging Suicide

Apo nyika iri mumwedzi uno waChikumi, wekucherechedza kukosha kwakaita hutano hwepfungwa muvanhurume, vakomana nevarume vechidiki vanoti dzimwe nharaunda dzavanogara hadzisati dzava kuzvigamuchira kuti vanhurume vane zvinetso zvinokanganisa pfungwa dzavo, zvinoda kupedzwa nemubatirapamwe.

“Shinga iwe uri munhu wemurume”, “Nyarara, varume havachemi.”

Uku ndiko kumwe kutaura kunoitwa kuvakomana nevarume pavanosangana nenguva dzakaoma muhupenyu hwavo,

Asi masangano akaita sere Ndinewe Foundation, anoshanda nevechidiki munyaya dzezvehutano hwepfungwa, anoti vechidiki vakawanda vanopedzisira vaita zvirwere zvepfungwa, kana kuzozviuraya, kana vakasabatsirwa munguva yekuda rubatsiro.

Mumwe wechidiki anogara muHarare, Bruce Gunyere anoti vakomana nevarume vechidiki vari kusangana nematambudziko akawandisa muhupenyu wavo. Vati, “Kuoma kwehupenyu chaiko ndiko kwakonzeresa kuti vechidiki vakanganisike pfungwa." Vaenderera mberi vachiti, " Vamwe vanenge vachiri kuriritirwa nevabereki zvisinei nekuti vanenge vabva zera. Vamwewo havana mabasa anokwanisa kuvapawo chouvuri. Kozoti muwanano umu, vamwe zvakavaomera. Saka zvizhinji zviri kumomotera vakomana.”

Mugari wemuHarare zvakare ari wechidiki, Norbert Basvi anoti zvinoita sekuti vasikana vanochengetedzwa kudarika vakomana, zvinosiya vakomana vakayanikwa pachena.

“Zvirongwa zvizhinji zvinonangana nevanasikana, vakomana vachisiiwa. Mumba chaimo, mwana musikana anonzi usafambe kana kwasviba, asi mukomana anonzi unogona kuzvirirtira." VaBasvi vaudza Studio 7. Vatiwo, "Izvi zinozoita kuti patinosangana nematambudziko, tishaye anozomira nesu. Mwanakomana nemwanasikana ngavapiwe rubatsiro nerutsigiro rwakaenzana.”

Musikana anodzidzisa vamwe vechidiki nezvehupenyu (life coach), Evermore Kangani, anoti vanasikana nevakadzi vanokonzeresawo kuti vakomana vasagadzikane mupfungwa kana kuchitariswa nyaya dzerudo. Muzvare Kangani vati, 'Dzimwe nguva vasikana vanenge vaine tarisiro yakakurisa pavanenge vachidanana nevakomana, zvinogona kuzoromera vakomana ava nekuti dzimwe nguva zvinorema kuti ichi neichi handisi kukwanisa kukuitira. " Vaenderera mberi vachitiwo, "Vamwe ndivo vanoda mari yekurukwa zvinodhura, uye vachida kuendeswa nzvimbo dzinodhura. Kushorwa nekudzikisirwa kana uchienzaniswa nevamwe varume, ndizvo zvimwe zviri kukanganisa varume vechidiki nevakomana vari mukudanana umu.”

Masangano anoshanda nevakomana nevarume akaita serePadare pamwechete nereFathers Against Abuse, anoti chizvino-zvino ndicho chimwe chakonzeresa kuti vakomana vasangane nezvimhingamupinyi zvakawanda mukurarama kwavo.

Mukuru wesangano reVarume Svinurai/Vhukani Madoda, VaThemba Nzounenda, vanoti dambudziko rekusagadzikana mupfungwa rinogona kugadzirika bedzi, kana vechidiki vakawana mikana yekuzvipundutsa. VaNzounenda vati, “Chiri kukonzeresa kuzorwara mupfungwa inyaya yekushaya zvikwanisiro zvakaringana zvekuraramisa."

Vatiwo, "Hurombo hunokonzeresa kuti kufunganya kunyanye, zvinopawo kuti muviri chaiwo urukutike. Kunyange zviriko zvimwe zviri kukanganisa njere dzevechidiki, ndinoona sekuti kana nyaya iyi yehurombo ikagadzirisika, tinokunda mukurwisa zvirwere zvepfungwa zvinobata vakomana.”

Nyanzvi inoshanda nevechidiki, uye vari mukuru wesangano reInternational Coaching and Mentoring Foundation, VaBlessing Duri vaudzawo Studio 7 kuti panoitwa zvirongwa zvekusimudzira madzimai munharaunda, varume ngavawaniswewo zvavo.

Kazhinji tichiona zvirongwa zvekuwanisa vasikana nemadzimai mikana yekuzvisimudzira- dzingava mari, dzidziso kana kupangwa mazano- asi varume vachisiiwa.

Asi vasiiwa kudaro, vanoramba vachitarisirwa kuti vawanise mhuri dzavo zviwanikwa zvose zvinodiwa pamba kuti mhuri dzavo dzirarame. Zvakakosha kuti tienzanise mikana iyoyi nekuti nemamiriro ehupfumi hwenyika, varume vari kufungisisa zvakanyanya, zviri kuzokanganisa pfungwa dzavo.”

Kunyange paine zvizhinji zviri kuitwa kuedza kuchinja muono wekuti varume havasi vanhu vakagadzirwa nesimbi, asi vanhuwo venyama, mufambo uchiripo kuti nharaunda dzigamuchire muono uyu.

Sangano reWorld Health Organization rinoti muZimbabwe, varume vakawanda kudarika madzimai, vari kuzviuraya, kana vasangana nezvinetso zvehupenyu.

WHO inoti iri kushushikamna zvikuru nehuwandu hwevanhu vari kuzviuraya muZimbabwe nekuda kwekushushikana mupfungwa. Muongororo yakaitwa muna 2020, vanhu gumi nevasere pazviuru zana kana kuti 18 per 100, 000 vakazviuraya munyika.

Huwandu uhu hwakadarika hwenyika dzakawanda dzepasi rino. Pasi rose huwandu hwevonazviurya zvikamu gumi nechidimbu pavanhu zviuru zana kana kuti 10,5 per 100, 000

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:18 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG