Accessibility links

Breaking News

Chizvarwa cheZimbabwe Chine Murume Akasungwa muSouth Africa Chotsvaga Rubatsiro


Wisby Chidhakwa, uyo ari mujeri muSouth Africa akasiya kunze mudzimai akazvitakura.
Wisby Chidhakwa, uyo ari mujeri muSouth Africa akasiya kunze mudzimai akazvitakura.

Muzvare Pedzayi Siwela, chizvarwa cheZimbabwe chiri muJohannesburg muSouth Africa, vari kutsvaga rubatsiro kumhuri yeZimbabwe mushure mekusungwa kwemurume wavo munyika iyi, ukuwo ivo vane pamuviri.

Muzvare Siwela vakasangana nedambudziko rekuti murume wavo, Wisby Chidhakwa, akasungwa musi wa 3 Ndira gore rino kwakare kuSouth Africa, akatongerwa kugara mujeri kwemwedzi misere ari mujeri reModderbee uko ari kutopika jeri izvozvi.

Vachitsanangura, Muzvare Siwela, vanoti murume wavo akasvikirwa nemapurisa akanga asina kupfeka nhumbi dzebasa, vakamuti akanga asina kupaka zvakanaka motokari yebasa yaaifamba nayo.

Vanoti mapurisa akakumbira kuona pasipoti yaChidhakwa iyo akavapa asi vakaona kuti yakanga yakaguma kushanda mwedzi mina yakanga yadarika.

"Pavari kuti regai ndiburitsewo mari yandiinayo shoma iyi, ndopavakabva vasungwa, bvavaradzikwa pasi vakabva vatanga kurohwa, ndopavakatanga kurovana nemapurisa aya kusvika vazorumawo mumwe mupurisa ruoko," Muzvare Siwela vanotsanangura.

Vanoti kunyange hazvo murumer wavo akasungwa mukutanga kwandira, akazopiwa mutongo wake wemwedzi misere muna Kurume mushure mekunge hama dzekukereke kwavanopinda dzazoita mudemhe mudemhe dzakaunganidza mari yekubhadhara gweta rakazovamirira mudare.

Muzvare Siwela vanoti dambudziko ravave naro nderekuwana gadziriro yemwana ari munzira kana kuti preparation muChirungu pamwe nemari yerhendi sezvo vasiri kushanda.

Vanoti kana iri mari yechikafu vanotsanzira kuburikidza nekuita twumabasa twemaoko twakareruka, semunhu akazvitakura.

Vanoti vanoda kuvabatsira vanokwanisa kuvabata panhamba dzavo dzenharembozha dzinoti +27 67 986 1771.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:39 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG