Accessibility links

Breaking News

VaRamaphosa Votora Mhiko Yekutungamira South Africa Vachikurudzira Kubatana


VaCyril Ramaphosa
VaCyril Ramaphosa

Mutungamiri wenyika yeSouth Africa VaCyril Ramaphosa vatora mhiko nhasi yekutungamira nyika yeSouth Africa kwemamwe makore mashanu paUnion Buildings Nelson Mandela Amphitheatre, muPretoria.

please wait

No media source currently available

0:00 0:00:42 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Asi sezvo bato ravo reANC risina kusvitsa zvikamu zvinosvika makumi mashanu kubva muzana kuti riumbe hurumende, vave kutarisirwa kuumba hurumende yemubataindzwa nemapato anopikisa anoti Democratic Alliance, Inkatha Freedom Party, GOOD nePatriotic Alliance.

VaRamaphosa vati zvakakosha kuti munyika muve nekubatana. Pahurumende yemubatanidzwa vati, “Uku kutanga kwerwendo rwutsva.” Vati kutabana uku kwakakosha mukubatanidza vanhu vemunyika mavo, kuunza runyararo , kugadzikana, kuumba hupfumi husina anosiiwa,kurwisa rusarura ganda uye kuyenzanisa mikana pakati pevanhurume nevanhukadzi.

Vamwe vange vari pakugadzwa kwaVaRamaphosa vanosanganisira mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa, mutungamiri wenyika yeNigeria VaBola Tinibu uye mutungamiri wenyika yeTanzania Amai Samia Suluhu Hassan.

Vatungamiri gumi nevasere vemuAfrica ndivo vange vachitarisirwa pagungano ranhasi.

Nyaya munyaya dzezvematongerwo enyika Muzvinafundo Ricky Mukonza vaudza Studio 7 kuti kubatana uku kwakakosha mukunza budiriro munyika iyi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:15 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG