Accessibility links

Breaking News

Zvimwe Zvizvarwa zveZimbabwe Zvakapotera kuBotswana Zvonogariswa Patsva kuAmerica neCanada


Dukwi Refugees
Dukwi Refugees

Vapoteri vanosvika mazana maviri nemakumi masere nevapfumbamwe vari paDukwi Refugee Camp kuBotswana, kusanganisira gumi nevashanu vanofungidzirwa kuti zvizvarwa zveZimbabwe, vari muhurongwa hwekunogariswa patsva kudzimwe nyika mekuramba kudzokera kudzokera kuZimbabwe.

Vapoteri ava, vamwe vacho vanobva kuSomalia, Democratic Republic of Congo kana kuti DRC, Uganda, Rwanda nedzimwe nyika vari kutarisirwa kuyendeswa kunyika dzakaita se United States of America, Canada neAustralia kuitira kuti vanogara ikoko vari muhupoteri.

Vachitaura pazuva rekucherechedzwa kwezuva revapoteri reWorld Refugee Day pamuzinda weDukwi Refugee Camp muBotswana nhasi, gurukota rinoona nezvemutemo munyika iyi, VaMachana Ronald Shamukuni, vati vapoteri ava vave pedyo nekunogariswa patsva kunyika dzakavatambira sevapoteri.

Vanoona nezvekuchengetedzwa kwevapoteri musangano reUnited Nations High Commission for Refugees (UNHCR) kuchamhembe kweAfrica, VaMadoda Nasha vati zvinonzwisa tsitsi kuti kurwisana kuri kuenderera mberi munyika dzemu Africa kunyange hazvo matambudziko ekare asati awanirwa mhinduro.

VaNasha vapa muyenzaniso hwehondo iri kuyenderera mberi kuDRC vachiti nyika dzakafanira kutsvaga dzimwe nzira kugadzirisa makakatanwa kwete hondo nemhirizhonga.

Vatenda hurumende yeBotswana nekushanda pamwe chete nesangano ravo mukuona kuti vapoteri vari paDukwi vawanirwa rubatsiro rwavanoda.

Asi vakambogara muhupoteri pamuzinda weDukwi ava vasati vadzoswerwa kumusha nechisimba muna2021, VaWeston Chibi vaudza Studio7 parunhare vari kwaMutare kuti vachazotenda kana hurongwa hwekuendesa vapoteri ava kudzimwe nyika hwaitwa.

VaChibi, avo vanozikanwa nerekuti Wasu, vaenderera mberi vachiti hazvibatsiri kuti vapoteri vanogadzwa patsva kumhiri kwemakungwa mushure mekutora nguva yakareba pasina chavaiita paDukwi Refugee Camp.

Taedza kutaura nezvizvarwa zveZimbabwe, izvo zvinofungidzirwa kuti zvingasvika makumi maviri chete zvakasara pamuzinda uyu, asi zvaramba kutaura nesu zvichiti hazvibvumidzwi kutaura nevatori venhau.

Asi Studio7 ine ruzivo kuti pane zvizvzrwz zveZimbabwe zvakamirira kuendeswa kuCanada mushure mekunge zvatsika madziro paidzoserwa vapoteri ava kuZimbabwe.

Studio7 hainawo zvakare kukwanisa kutaura nemumiriri weZimbabwe muBotswana, VaBatiraishe Mukonoweshuro, sezvo vanga vachinzi havapo muhofisi kusvika taenda pamhepo.

Apo zvizvarwa zveZimbabwe zviri kuyaura zviri muhupoteri kudzimwe nyika, Zimbabwe nhasi yabatana nedzimwe nyika mukucherechedza zuva revapoteri psi rose muhurongwa hwaitirwa ku Tongogara Refugee Camp kuManicaland.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:43 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG