Accessibility links

Breaking News

Vapoteri Vekune Dzimwe Nyika Vari muZimbabwe Vanoti Pane Zvakawanda Zvinoda Kuitwa Kuti Hupenyu Hwavo Huve Nani


Tongogara Refugee Camp, Manicaland, Zimbabwe.
Tongogara Refugee Camp, Manicaland, Zimbabwe.

Zimbabwe nhasi yabatana nedzimwe nyika dzepasi rose mukucherechedza zuva revapoteri, reWorld Refugee Day, hurumende ichivimbisa kuramba ichichengeta vapoteri vari munyika.

Asi vazhinji vevapoteri ava vanoti kunyange hazvo vari kuwana rubatsiro, pane zvakawanda zvavanoda kuitira kuti hupenyu hwavo huve nani.

Studio 7 yataura nevamwe vevapoteri vari kugara pakamba iyi.

Mumwe mupoteri, Amai Naomi Mbuyi vanobva kuDemocratic Republic of the Congo (DRC), vati hupenyu hwavo huri kuvaomera sezvo vari shirikadzi ine vana vatatu.

Mumwe mupoteri wechidiki akazvarwa nekukurira muZimbabwe, uye ane sangano rinomirira kodzero dzevechidiki muTongogara Refugee Camp, Evidence Hakizimana Havyarimana, anoti sesangano, vari kuedza kubatsira vechidiki kuwana raramo iri nani.

Vachitaura pamhemberero dzaitwa paTongogara Refugee Camp nhasi, mutevedzeri wegurukota rinoona nezvekugara zvakanaka kwevanhu,

Muzvare Mercy Bimha, vati kunyange kuwanira vapoteri zvikwanisiro riri dambudziko, Zimbabwe yakazvipira kuwanisa vapoteri hupenyu hwakanaka.

Hurumende inoti iri muonera pamwe nemasangano akaita se World Food Program, United Nations High Commissioner for Refugees pamwe nenyika dzakaita se Canada, Zambia neAmerica mukuchengeta vapoteri vari paTongogara Refugee Camp.

Mukuru wepakamba iyi, VaJohanne Mhlanga, vazivisawo kut Zimbabwe, yava kuwanisa vapoteri magwaro ekufambisa, kana kuti Refugee Travel Documents.

Vapoteri vari paTongogara vanoita mabasa akasiyana-siyana anovapa chouviri, anosanganisira kusona, kurima nemvura yekudiridzira, kuruka, uyewo variko vane zvitoro zvinotengesa mbatya nechikafu.

Asi varikowo vamwe vanoti vapoteri vanowedzera kuremedza hurumende yenyika dzavanenge vari, sezvo vachida kuwaniswa zvakawanda zvinoita kuti vagare zvakanaka.

Asi muongorori wenyaya dzekudyidzana nedzimwe nyika, uye vari mukuru wesangano reThe African Cause Trust, VaElton Ziki, vati havawirirane nemaonero akadai.

Nyanzvi inoongorora kudyidzana kwenyika dzepasi rese, uye vari mudzidzisi pachikoro cheBindura University of Science Education, Doctor David Makwerere vati zvizhinji zvinogona kuitwa mukubatsira vapoteri vari muZimbabwe, kuitira kuti vakwanise kuzviriritira.

Zimbabwe ndeimwe yenyika dzepasi rese yakaisa runyoro rwayo kuchitsidzo chekuchengetedza vapoteri, kana kuti International Refugee Law, uye parizvino, munyika mune vapoteri vanogona kusvika zviuru makumi maviri nezvitatu. Asi paTongogara Refugee Camp, pane vapoteri vanodarika zviuru gumi nezvishanu.

Pavapoteri ava, vazhinji vavo vanobva kuDemocratic Republic of Congo, uko kunogara kuine hondo, vamwe vanobvawo kuMozambique, Burundi neRwanda.

Mhemberero dzegore rino dzaitwa pasi pedingindira rekubatirana pamwe nevapoteri, uye dzaitwa vanhu vachifadzwa nenzira dzakasiyana siyana.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:45 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG