Accessibility links

Breaking News

Mutori weNhau weStudio 7 Lucy Yasini Aradzikwa Nhasi kuGlen Forest


Lucy Yasini
Lucy Yasini

Mutapi wenhau weStudio 7, Lucy Yasini, uyo akashaya nemusi weMuvhuro aradzikwa nhasi kumarinda eGlen Forest muHarare. Hama, shamwari, nevezvematongerwo vapa huchapupu hwekubata basa kwake nemazvo.

Vakakawanda vatsangura mushakabvu, semunhu aive nehushingi , rudo achigona basa rake uyewo akadzidzisa vechidiki vakawanda kuita basa rekutapa nhau munyika.

Mutungamiriri wesangano rinomirira vatapi venhau vechidiki munyika reYoung Journalists Association of Zimbabwe, VaLeopold Munhende, vaudza gungano parufu kuti vakadzidza zvakawanda kubva kuna Lucy.

Mutapi wenhau zvakare aive shamwari yaLucy, Sofia Mapuranga ati mufi akabatsira vatapi venhau vakawanda zvekuti zvichanetsa kuvhara vende raasiya.

Vamwe vakashanda naLucy kuZBC vanosanganisira Elizabeth Chengeta naTilda Moyo vati varisikirwa nekushaika kweshamwari yavo iyo vatsanangura semunhu aiita basa rake nemazvo kubvira ari kuZBC.

Tilda ati mufi akaita mabasa akawanda anoyemutika anoda kutevedzerwa nevatori venhau vechidiki.

Masangano anomirira vatapi venhau munyika anoti ZUJ, MISA neMedia Centre atenda basa guru rakaitwa naLucykusimudzira kutorwa kwenhau asingaite zvehuwori.

Mukuru weMISA Zimbabwe Doctor Tabani Moy vakurudzira vatapi venhau kuti vatevedzere matsimba a Lucy.

Vaimbove mutauriri webato rinopikisa reCitizens Coalition for Change, VaGift Ostallos Siziba vati zvakokosha kuti vatapi venhau varemekedzwe munyika nebasa guru ravanoita.

Izvi zvatsgirwawo nemutungamiriri webato reLabour, Economic African Democrats Amai Linda Masarira.

Mushakabvu asiya vana vaviri. Vakuru venhepfenyuro yeStudio 7 vatiwo varasikirwa nemutori wenhau ainge akazvipira pabasa uye akashandira nhepfenyuro iyi kubva muna 2008.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:45 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG