Accessibility links

Breaking News

Mapurisa Opomerwa Mhosva Yekurova Zvakaipisisa Murairidzi Akaremara Aive Pakati peveCCC Vakasungwa


VaRonald Hondongwe
VaRonald Hondongwe

Rimwe sangano revarairidzi reAmalgamated Rural teachers Union of Zimbabwe kana kuti ARTUZ rinoti riri kuronga kukwidza mapurisa kumatare richivapomera mhosva yekurova zvakaipisisa imwe nhengo yesangano ravo vari murairidzi akaremara VaRonald Hondongwe.

Munyori mukuru weARTUZ VaRobson Chere vaudza Studio 7 kuti VaHondongwe vachingoburitswa mujeri vachabva vaendesa mapurisa kumatare kuti aripe kuvakuvadza kwavakavaita vari muhusungwa. VaHondongwe vakaremara ruoko negumbo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:54 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

VaHondongwe vari pakati penhengo dzebato rinopikisa reCitizens Coalition for Change makumi manomwe nevapfumbamwe vakasungwa muHarare nemusi weSvondo pazuva rekucherechedza mwana weAfrica kana kuti International Day of the African Child.

Hurongwa uhu hwaiitirwa pamba pevari kufanotungamira bato iri VaJameson Timba avo vari pakati pevakasungwa ava.

Vanhu makumi maviri vanonzi vakakuvara mushure mekurohwa nemapurisa uye vamwe vakatoendeswa kuchipatara cheParirenyatwa.

Vachipindura mutauriri wemapurisa Commissioner Nyathi vakurudzira kuti vanenge vachipomera mapurisa mhosva vamhan’are kuhofisi yemukuru wemapurisa kana kuti Commissioner-General VaGodwin Matanga kwete kuenda pamadandemutande.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:48 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Masangano anorwira kodzero dzevanhu anosanganisira reHuman Rights Watch neAmnesty International ari kushora mapurisa emuZimbabwe zvikuru achiti anotyora kodzero dzevanhu kunyanya vanopikisa zvakanyanya.

Forum

XS
SM
MD
LG