Accessibility links

Breaking News

Sangano reVatsigiri veNhabvu muNyika reZNSSA Rotarisana neKutsemuka neNhau yeKurwira Hutungamiri


Sachigaro weZimbabwe National Soccer Supporters Association, VaChama Mushamaidze.
Sachigaro weZimbabwe National Soccer Supporters Association, VaChama Mushamaidze.

Mumusha wesangano revatsigiri venhabvu munyika reZimbabwe National Soccer Supporters Association muri kubvira moto muine zvikwata zviri kurwira hutungamiri hwesangano iri, zvese zvichiti zvakaiswa panyanga namushakabvu VaEddie Mboma Nyatanga avo vakavamba sangano iri.

Sangano iri rapatsanurana kuita mapato matatu ese ari kuti akatambidzwa chimuti chekutungamira gungano iri namushakabvu VaNyatanga, avo vakaradzikwa kumarinda eGlen Forest svondo rapera.

VaAdamso Mukwasi vanoti vakatambidzwa hutungamiri naVaNyatanga pamusangano wavakaita makore mashoma apfuura asi zvanga zvisingaite kuti vatore matomhu iye muridzi wemunda achiripo.

"Ini ndave mukuru wevatsigiri venhabvu muZimbabwe veZimbabwe National Soccer Supporters Association. izvi zvakaiya mushure mekunga ndagara pasi naVaNyatanga makore mashoma apfuura. Saka ndasimudzira hutungamiri uhu," vanodaro VaMukwasi.

VaAdamso Mukwasi (kurudyi) naVaTafi Nyatanga, vanove mwana waVaEddie Nyatanga
VaAdamso Mukwasi (kurudyi) naVaTafi Nyatanga, vanove mwana waVaEddie Nyatanga

Vaimbove mutauriri wesangano iri muna 2003, VaMatthias Kufandirimbwa, vanotiwo vakapihwa basa rekugadza hutungamiri hutsva naVaNyatanga, hutungamiri hwacho huchifanira kusanganisira ivo nevamwewo vaive nhengo dzesangano iri mazuva ekutanga.

"Vese vakanga varipo kare vatove muhutungamiri. Chinangwa chakatangirwa sangano iri chinozivikanwa neavo vaivepo avo chete vanokodzera kutungamira sangano iri. Hatisikuda vanoziwanikwa pakupakura sadza ratoibva," vadaro VaKufandirimbwa.

Asi sachigaro wesangano iri anozivikanwa neruzhinji, VaChama Mushamaidze, vanoti ivo ndivo chaivo vakagadzwa naVaNyatanga pamabiko akaitwa pamberi peruzhinji muna 2019.

"Muna 2019 ndipo patakapinda pamabiko akaitirwa muHarare apo VaNyatanga vakatitambidza nhaka yekutungamira sangano iri vachiti ivo vaive vakura uyezve vaive vaita pavo," vadaro VaMushamaidze.

Vanoti ino haisi nguva yekukakavadzana asi yekufambisa bhora mberi zvekuti vari kushevedzera musangano wechimbichimbi nevese vane chido nesangano iri kuti rienderere mberi nebudiriro.

"Ndiri kurudzira kuti vese vanoda nezvesangano iri ngavauye pamisangano yatinoita pamwedzi yega-yega. Tinosarudza sei, munhu asingauye kumusangano uyezve watisingazive. ZNSSA haisi yekurambira nayo, haina kana mari asi kuti ndezvemafaro," vanokumbira VaMushamaidze.

Vaimbove mutauriri weZNSSA, VaMatthias Kufandirimbwa.
Vaimbove mutauriri weZNSSA, VaMatthias Kufandirimbwa.

Asi vaimbove munyori mukuru weZNSSA, VaCain Muzuva, vanoti vatsigiri venhabvu ava vanofanira kutsvaga bumbiro remutemo resangano iri votevera zvirimo, kana izvi zvaramba, votanga rimwe sangano nerimwe zita.

Mutauriri weZIFA, VaMike Madoda, vanoti sangano ravo harina simba kana nechekuita neZNSSA nekuti iri isangano rakazvimiririra rega uyezve harina kunyoreswa senhengo yeZIFA.

VaNyatanga, avo vakaradzikwa kumarinda eGlen Forest muHarare svondo rapera, vakasiya madzimai maviri nevana gumi nevashanu.

Sangano reZimbabwe National Soccer Supporters Association rakavambwa makore makumi maviri nemana apfuura naVaNyatanga pamwe namushakabvu VaColeman Majaya, vakazotsvagawo vamwe vekushanda navo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:44 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG