Accessibility links

Breaking News

Bato reCCC yaVaNcube naVaTshabangu Rinoburitswa muMahofisi ekuBulawayo neMDC yaVaMwonzora


Mutungamiri weMDC, VaDouglas Mwonzora.
Mutungamiri weMDC, VaDouglas Mwonzora.

Bato reCitizens’ Coalition for Change riri kufanotungamirwa naMuzvinafundo Welshman Ncube rinonzi rakaburitswa mumahofisi aranga richishandisa kuBulawayo nebato reMDC riri kutungamirwa naVaDouglas Mwonzora, iro rinoti ndiro muridzi wemahofisi aya.

Chikwata chaVaNcube ndicho chikwata chine vari kuzviti ndivo vakafanobata chigaro chemunyori mukuru weCCC, VaSengezo Tshabangu.

Imwe nhengo yechikwata ichi, VaAlbert Mhlanga, vatenda kuStudio 7 kuti bato ravo rakaburitswa mumahofisi aya, vachiti chinhu chagara chichizivikanwa kuti CCC haina mahofisi ainoti ndeayo asi kuti inoshandisa zvivakwa zvevamwe ichibhadhara mari.

VaMhlanga vanoti, “Varidzi ve party vatora ma building avo nechikonzero vaiti tatisingabhadhare rendi. Ndizvo zvavataura. Vaiti tatisingabhadhare rendi. Kana muridzi we building akudzinga usingabhadhare rendi, saka ndiko takabva, because ma building ese tagara tichirenda. Saka ndizvo zvaitika.”

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:24 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mukuru anoona nezvekufambiswa kwemashoko muMDC, VaChengetai Guta vati vakatozoshandisa matare kuti vakwanise kutora chivakwa chavo.

“Isu takaenda kumatare edzimhosva takanoratidza magwaro anoratidza kuti mahofisi aya ndeeMDC. Isu sebato rinotya bumbiro remitemo, rinotya simba riri muvanhu, takateera gwara rekuti tiende kumatare edzimhosva tipiwe ma eviction ekuti tikwanise kuwana mahofisi edu iwayo. Inhema kuti mahofisi aya anga achibhadharwa kana kuti vanga vachirenda. Hazvisi izvo, mahofisi aya magwaro anotaura iwo kuti ndeeMDC,” vanotsanangura VaGuta.

VaGuta vanoti vachashandisa nzira imwechete iyoyo yekumatare kuti vatore mahofisi avo akabvutwa nevamwe nyika yose.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:54 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mahofisi aya anonzi akanga ari eMDC munguva yaVaMorgan Tsvangirai, akazoshandiswa neMDC Alliance. Asi anonzi akazobvutwa nevechidiki vebato reCCC vanonzi vanotsigira vaive mutungamiri weCCC, Vanelson Chamisa.

Asi vechidiki ava vakazobva pamahofisi aya akasara ave kushandiswa neCCC yaVaTshabangu.

Forum

XS
SM
MD
LG