Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yogadzirira Kuparura Chirongwa Chinonzi Chichabatsira Zvizvarwa zveZimbabwe Kurapwa Pachena


Chirongwa cheNational Health Insurance Scheme chinonzi chichabatsira munhu wese.
Chirongwa cheNational Health Insurance Scheme chinonzi chichabatsira munhu wese.

Nyanzvi dzehutano kubva kumapoka anoona nezvehutano munyika dzakasangana muHarare neChipiri svondo rapera dzichizeya hurongwa hwehomwe yeNational Health Insurance Scheme, NHIS, iyo inonzi nehurumende yakanangana nekubatsira zvizvarwa zveZimbabwe kuti zvirarapwe pachena mumakiriniki nemuzvipatara, kuzadzisa kodzero iri muchikamu 76 chebumbiro remutemo inoti hutano kumunhu wese.

Homwe iyi iri kuumbwa nechinangwa chekudzivirira vana veZimbabwe kuti vasamanikidzwa kubhadhara mari dzemuhomwe kuzvipatara, izvo zviri kutadzwa nevakawanda vari kuzoguma varwara vari mudzimba, sezviri kutaurwa na Amai Etina Gomo vekuTynwald North, avo vanoti vari kutatarika kuwana mari yekurapisa mwanasikana wavo, Yeukai Maidei Chibune.

Amai Gomo vanoti vakamboenda kuParirenyatwa Hospital nekuArundel Clinic uko vakanyorerwa mapepa ekuti mwana wavo anoitwa ongororo nenyanzvi kuti dzione kuti chirwere chipi chiri kunetsa mwana uyu asi havasati vawana mari yacho inodiwako.

Kunyange hazvo uhu huri hurongwa hwakanaka, mukuru wesangano rinorwira hutano hwakanaka, reCommunity Working Group on Health, VaItai Rusike, vanoti hurongwa hwehomwe iyi hahufanire kuti hutungamirirwe nevanhu vanozopfachura pfachura mari iyi sezviri kuonekwa kune mamwe mapazi ehurumende.

VaRusike vanoti kana mari iyi yakabatwa nemazvo icharerutsira ruzhinji rwevanhu, zvikuru vaye vanotambura.

VaRusike vaendera mberi vachiti sangano ravo richange richiongororawo mafambisirwo achaitwa mari iyoyi kana homwe yabudirira kusimuka vachiti haitofaniri kushandiswa zvisizvo sezvo iri mari inobva kumitero inobhadharwa neveruzhinji, pamwe nemakambani, kana kuti taxes.

VaRusike vanoti National Health Insurance ichabatsirawo pakuchengetedzwa kwevashandi vemuzvipatara uye nekuvandudza mihoro yavo.

Munyori mukuru mubazi rezvehutano, Dr. Aspect Maunganidze, vaudza Studio 7 kuti itarisiro yavo kuti vavandudze makirinika ose ari munharaunda dzese dzemunyika, izvo zvicharerutsira varapwi kufti vasafambe nzendo dzakareba vachienda kunorapwa.

Ongororo yakaitwa nebazi rezvehutano inoratidza kuti vanhu zvikamu kubva muzana munyika ndizvo zviri pazvirongwa zvekurapwa zveMedical insurance, izvo zvinosiya zvikamu makumi mapfumbamwe nezvitatu kubva muzana, kana kuti 93 percent, zviri pamhenhe.

Gurukota rezvehutano, Dr. Douglas Mombeshora, vakaudza bepanhau re Health Times kuti homwe yeNational Health Insurance yave pedyo nekuparurwa nechichimbi nokuti nyaya iyi yava nemakore akawanda pasina chiri kufamba.

Doctor Mombeshora vakatsinhirawo vachiti ikodzero yezvizvarwa zvemunyika kuti zvive nehutano hwakanaka zvekuti hurumende yakatoisawo runyoro rwayo pazvibvumirano zvehutano pasi rose, nemasangano anorwira hutano hwakanaka pasi rose akaita sere World Health Organisation.

Chirongwa chekuendesa hutano kumunhu wese che National Health Insurance Scheme, chakanangana nekuwanisa kodzero yekurapwa kuzvizvarwa zvese zveZimbabwe zvisineyi nemihoro yavo kana mamiriro avo mavagere, uye chinoderedza mari dzinozobhadharwa nevarwere kuzvipatara kana vabatsirwa.

Mutungamiri weSouth Africa, VaCyril Ramaphosa, vachangobva kupasisa mutemo we National Health Insurance (NHI), uyo unobvumidza kuumbwa kwehomwe yehurumende inobatsira zvizvarwa zveSouth Africa zvose kurapwa pachena.

Dzimwe nyika dzakaita seBritain, Canada, France neGermany dzine zvirongwa zvakadarowo zvinobatsira zvizvarwa zvadzo kuti zvirapwe pachena kana kuti zvichibhadhara mari shoma imwe ichibva kuhomwe yehurumende iyi.

Chasara ndechekuona kuti hurumende yeZimbabwe ichange ichiunganidza nenzira dzipi mari ichange ichipinda muhomwe iyi, sezvo vashandi vari kuchema kuti vari kubatsirwa mitero yakawanda mihoro yavo iri pasi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG