Accessibility links

Breaking News

Dunhu reLouisiana muAmerica Romanikidza Zvikoro Kushambadzira Mitemo Ine Gumi yemuBhaibheri


Debating the Display of Ten Commandments in Public Schools and Buildings
Debating the Display of Ten Commandments in Public Schools and Buildings

Vamwe vanorwira kodzero dzevanhu muAmerica vakwira kumatare vachipikisa mutemo mutsva wekuLouisiana wekuti zvikoro zvose zvinofanira kuisa kumadziro kwemakamuri ose ekudzidzira mitemo ine gumi yemubhaibheri kana kuti “ten commandments”.

Gavhuna wedunhu iri vari vebato remaRepublicans VaJeff Landry vakati zvikoro zvose zvinopihwa mari nehurumende yedunhu iri zvinofanira kutanga kuratidza mitemo iyi gore rinouya.

Asi pane vamwe vari kuzvipikisa kumatare. Vaenda kumatare vachimirira vana vane vabereki vezvimwe zvitendero zvisiri chiKristu vari kumirirwa nemagwerta kubva kuAmerican Civil Liberties Union Foundation, Americans United for Separation of Church and State, the Freedom From Religion Foundation nemagweta eSimpson, Thacher & Bartlett.

Vanorwira kodzero dzevanhu ava vanoti kuita izvi kutyora mutemo wekuti zvematongerwo enyika hazvifanire kusanganiswa nechitendero. Vaimbova mutungamiri wenyika yeAmerica VaDonald Trump vakatobuda pachena kuti vanotsigira mutemo uri uda kudzikwa nedunhu reLouisiana uyu.

Asi gweta rinorwira kodzero dzevanhu vachishanda nesangano reAll Hands on Justice VaKennedy Masiye vaudza Studio 7 kuti panofanira kuve nemutsauko pakati pehurumende nezvitendero sezviri mubumbiro remitemo reAmerica nekuti vanhu vanotenda mune zvitendero zvakasiyana siyana.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:53 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG