Accessibility links

Breaking News

America Inoti Zimbabwe Iri Kutatarika Kugadzirisa Nyaya yeKubatwa kweVanhu seNhapwa muNyika neKunze


Gwaro raburitswa nehurumende yeAmerica rinotarisa nyaya dzekuendeswa kwevanhu muhunhapwa kana kuti 2024 Annual Report on Human Trafficking rinoti Zimbabwe yatodzokera mumashure muzvirongwa izvi.

Zimbabwe yaimbenge yaiswa muchikamu chenyika dziri kuyedza kurwisa dambudziko iri kana kuti Tier 2 asi ikozvino yave muchikwata chenyika dziri kutatarika dzinoda kutarisiswa kana kuti Tier 2 Watch.

Madzimai emuZimbabwe anonzi ari kuenda kunobatwa senhapwa munyika dzakaita seIraq, Kenya, Uganda, Kuwaiti, Oman, Saudi Arabia neChina.

MuZimbabwe makambani emuChina anonzi ari kubatawo vashandi chibharo nekuvanyima mari, kuvashandisa vasina zvekupfeka zvakakwana nezvimwe zvinotyora kodzero yemushandi.

Hurumende inonzi iri kusiira masangano akazvimirira oga basa rekuchengetedza vanenge vabatwa senhapwa uye kune zvimwe zvizvarwa zvenyika zviri kuOman neBurma asi Zimbabwe haina zvayakaita kuvadzora kumusha.

Zimbabwe inonziwo inoshandiswa semugwagwa wekuendesa vanhu muhunhapwa vachibva kuSomalia, Ethiopia, Malawi neZambia, kuenda kuSouth Africa. Vamwe vana vekuMozambique vanonzi vari kushandiswa senhapwa kuMbare vachitengesa zvinhu asi pasina ari kusungwa.

Nyika iri kukurudzirwa kusimbaradza mitemo kuti izvi zvisaitike uye kuranga vanenge vapomerwa mhosva nenguva. Mutevedzeri wemutungamiri wenyika VaConstantino Chiwenga vakambovimbisa havo kuti Zimbabwe iri kuvandudza mitemo kuti vanhu vasaendeswe muhunappwa vachitiwo pane komiti yemakurukota iri kuongorora nyaya iyi.

Vachitaura neStudio 7 gweta vachishanda nesangani reZimbabwe Exiles Forum Amai Diana Zimbudzana Chamabara vati nyaya kubatwa kwevanhu senhapwa inofanira kugadziriswa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG