Accessibility links

Breaking News

Hurumende yoKurudzirwa Kutora Matanho eKuderedza Chikwereti cheNyika Icho Chadarika Mabhiriyoni Gumi neMasere eMadhora ekuAmerica


Gurukota rezvemari, Muzvinafundo Mthuli Ncube.
Gurukota rezvemari, Muzvinafundo Mthuli Ncube.

Dzimwe nyanzvi mune zvehupfumi dziri kukurudzira hurumende kuti imbomira kuramba ichiwedzera zvikwereti zvenyika dzichiti kuramba ichiita izvi kunokanganisa budiriro yenyika pamwe nekuita kuti irambe ichinyimwa zvimwe zvikwereti nemasangano anokweretesa mari.

Izvi zvinotevera kuziviswa kwakaitwa dare reparamende svondo rapera nemutewedzeri wegurukota rezvemari, VaDavid Mnangagwa, kuti chikwereti chenyika chiri kuramba chichikura uye chakanga chadarika mabhiriyoni gumi nemasere emadhora ekuAmerica.

Nyanzvi mune zvehupfumi vachitaura vakazvimirira, Muzvare Happiness Zengeni, vanoti chikwereti chenyika chiri kuramba chichikwira nekuti Zimbabwe haisati yakwanisa kuwana mari yekuti ibhadhare zvikwereti zvayo, zvichireva kuti zvikwereti izvi zviri kubereka kana kuti interest.

"Zvimwe zvikwereti zvacho ndezve kuma 90s, zvimwe zvacho ndezve kuma 80s. Saka nekuda kwezvakawandawanda hatisati tawana mukana wekuti tibhadhare mari iyi. saka inoramba ichikwira," vanodaro Muzvare Zengeni.

Imwe Nyanzvi mune zvehupfumi vari mutungamiri webato rinopikisa reCoalition for Democrats, CODE, VaTrust Chikohora vanoti nyaya yechikwereti chenyika yekuti chirambe chichikwira inototyisa, vachiti hurumende inofanirwa kugadzirisa nyaya iyi nekukasika kuti chisaramba chichikwira.

"Ngatimbomirai kuwedzera zvimwe timboongorora toziva kuti zvakamira so, toona kuti nyaya yacho yezvikwereti iri kugadziriswa sei? Tomborara nemari yatiinayo, zvinoenderana nezvatinokwanisa kuita senyika. Tisaramba tichingowedera chikwereti pamusoro pechimwe," VaChikohora vanotsanangura.

Imwe nyanzvi mune zvehupfumi vachidzidzisa paDeVry University mudunhu reOhio muAmerica, Muzvinafundo Elliot Masocha vanotiwo kana nyika yakakundikana kubhadhara zvikwereti zvayo sezviri kuitwa neZimbabwe, zvinokanganisa kukura kwehupfumi pamwe nenyika pachayo.

"Nyika haizofi yakakwanisa kuvandudza upfumi hwayo nokuti upfumi hunenge huchitotorerwa mari nezvikwereti izvozvo. Zvekare nyika inenge isingakwanisi kunge ichikwereta mari kuti inge ichikwanisa kunge ichifambisa zvimwe zvirongwa zvayo," vanodaro Muzvinafundo Masocha.

Nyanzvi mune zvehupfumi vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, Doctor Prosper Chitambara, vanotiwo zvikwereti zveZimbabwe zviri kuramba zvichiwedzera nemhaka yekuti nyika iri kuramba ichiita zvirongwa zvebudiriro ichishandisa mari yekukwereta.

Gurukota rezvemari, Muzvinafundo Mthuli Ncub,e vakazivisa nguva pfupi yadarika kuti zvikwereti zvizhinji zvenyika zvakabvira munguva yevaive mutungamiri wenyika, mushakabvu VaRobert Mugabe, uye ine zvikwereti kumasangano ekunze pamwe nemakambani emunyika.

Pane nhaurirano dziri kutungamirwa nevaive mutungamiri weMozambique, VaJoacquim Chissano, dzichipindwa nemutungamiri weAfrican Development Bank, VaAkinwumi Adesina, dziri pamusoro pezvikwereti zveZimbabwe.

America inonzi yakabuda munhaurirano idzi ichinyunyuta nekusafambiswa zvakanaka kwesarudzo dzegore rapera, idzo dzinonzi dzakabiridzirwa zvemhando yepamusoro.

Asi hurumende inoti nhaurirano idzi dziri kuenderera mberi uye haishaiswe hope nedanho reAmerica iri, ichiti America haifanirwe kupindira mune zvematongerwo edzimwe nyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:51 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG