Accessibility links

Breaking News

Hurumende yaVaMnangagwa Yopomerwa Mhosva Yekuramba Ichiita Vanhu Kafiramberi


Zimbabwe Torture
Zimbabwe Torture

Zimbabwe nhasi yabatana nedzimwe nyika pasi rose muzuva rekurangarira nekusimbisa vanhu vakaitwa kafiramberi kana kuti "International Day in Support of Victims of Torture."

Masangano anorwira kodzero dzevanhu akaita seZimbabwe Human Rights NGO Human Rights Forum, Zimrights nemamwe ati ari kushushikana zvikuru nenyaya yevanhu vari kuramba vachiitwa kafiramberi munyika nemapurisa nevasori.

Sangano reZimbabwe Peace Project rinoti mumakore mashanu adarika vanhu makumi matanhatu nevatatu vakaitwa kafiramberi nemapurisa, vasori nemauto.

Mukuru weZimrights VaDzikamai Bere vaudza Studio 7 kuti muenzaniso ndewe vatsigiri vebato rinopikisa reCitizens Coalition for Change vanodarika makumi maviri vekuchikwata chiri kutungamirwa naVaJameson Timba vakarohwa zvakaipisisa vari mumaoko emapurisa. Mapurisa akasunga vanhu makumi manomwe nevapfumbamwe pachiitiko ichi.

VaBere vati mapurisa emunyika haaferefete nyaya sezvinodiwa nebumbiro remitemo asi anokurumidza kungonorova vanhu nekuvaita kafiramberi.

Asi vachitaura neStudio 7, mutauriri wemapurisa Commissoner Paul Nyathi vati vanenge vatyorerwa kodzero dzavo vakasungunuka kuendesa zvichemo zvavo kuhofisi yemukuru wemapurisa VaGodwin Matanga.

Asi mumwe ari kupomera vasori mhosva yekuvaita kafiramberi VaTakudzwa Ngadziore vanoti vakakwanisa kutora vhidhiyo yevamwe vavari kupomera mhosva asi mapurisa haana zvaakaita zvapa kuti vatore matanho voga ekuvaendesa kumatare vachishanda nemagweta eZimbabwe Lawyers for Human Rights.

Zimbabwe Human Rights NGO Forum iri kukuurudzirawo hurumende kuti iise runyoro rwayo pachibvumirano cheUnited Nations Convention Against Torture and Other Cruel, Inhuman or Degrading Treatment or Punishment kuti vanopara mhosva idzi varangwe.

Studio 7 yayedza kubata gurukota rezvemitemo VaZiyambi Ziyambi asi vange vasiri kudaira nharembozha yavo.

Mauto, mapurisa nevasori ezvekuchengetedzwa kwenyika anogara achiendeswa kumatare nenyaya dzekuita vanhu kafiramberi. Asi hurumende yakatemerwa zvirango nenyaya iyi, inoti haiite vanhu kafiramberi.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG