Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Voparura Zviri Pamutemo Chirongwa Chekurwisa Kushandiswa kweZvinodhaka


Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nhasi vaparura gwaro richashandiswa mukurwisa dambudziko rekushandiswa kwezvinodhaka munyika.

President Emmerson Mnangagwa
President Emmerson Mnangagwa

Gwaro iri rinonzi Zimbabwe Multi-Sectoral Drug and Substance Abuse Plan 2024-2030. Raparurwa pazuva iro Zimbabwe yabatana nedzimwe nyika mukucherechedza zuva rekurwisa dambudziko rekushandiswa kwezvinodhaka kana kuti international Day Against Drug Abuse and Illicit tTafficking.

Vachitaura pamusangano uyu VaMnangagwa vati hurumende ichashandisa vechiuto nemapurisa mukusunga vari kutengesa nekushandisa zvinodhaka.

VaDickson Kubvakacha
VaDickson Kubvakacha

Mumwe weavo vange vari pamusangano uyu mutungamiri wesangano reCoalition Of Agricultural Graduates Of Zimbabwe (CAGOZ) VaDickson Kubvakacha avo varumbidza kuparurwa kwechirongwa ichi vachiti vachabatana nehurumende mukurwisa dambudziko rekutorwa kwezvino dhaka nyaya kune vechidiki.

"Sangano redu rinoshanda nevechidiki vanoita zvekurima vakawanda saka tichange tichibatana nehurumende muzvirongwa zvekurwisa dambudziko rekutorwa kwezvinodhaka," VaKubvakacha vaudza Studio7.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:15 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG