Accessibility links

Breaking News

VeChidiki vekuBulawayo Vakawanda Voenda kuGungano reKutsvaga Mabasa Muhurumende


Public Service job fair
Public Service job fair

Gungano rekutsvaga mabasa muhurumende ratanga muBulawayo nhasi zvichibuda pachena nehuwandu hwevanhu vaungana kuti vechidiki vakawanda munyika havana mabasa.

Hurumende ndiyo yaronga gungano remazuva maviri iri kana kuti “Job Fair.”

Zvisinei nekuti chando chiri kurova zvekukwidza Kamba mumuti, vaechidiki vakawanda vaungana paZimbabwe Internantional Trade Fair, Hall 4 muBulawayo, vachinyoresa mazita avo kuti vawane mukana wekuwana mabasa muhurumende.

Vakawanda vevanhu ava havana kumboshanda zvekubayirwa chitupa kubvira zvavakapedza zvidzidzo zvavo zvepamusoro uye vanosanganisira Muzvare Lillian Maphosa avo vati havana kumbobvira vashanda kubva zvavakapedza zvidzidzo zvavo zvePolitics and Public Manangement paMidalnds State University muna 2016.

Muzvare Maphosa vati, “Semunhu akaroorwa ndinenge dnichichengetwawo nababa nebasa ravo remuhurumende, asi chokwadi chaicho ndechekuti zvinhu hazvizi kunyatsofamba zvakanaka."

Vatizve, " Saka nashi ndauya kuno kuPublic Service Job Fair kuti ndizonyoresa kuti ndiwanewo mukana wekuwana basa muhurumende mekare. Ndakambonyoresa muna 2018 vakazoti zita rangu harisisiri mu database saka pandanyoresa nhasi vati handichapinzwi pa waiting list. Vati kana pakaita ma vacancy vachandizivisa uye ndinovimba kuti rwendo runo ndichariwana basa.”

Popwell Mukorovi uyo ane makore makumi maviri nemashanu ekuberekwa akapedza zvidzidzo zvake zveFinancial Management paNational University of Science and Technology muna 2022 ati ari kuenderera mberi nedzidzo yake achibhadharirwa nevabereki achirarama nechamuka inyama. VaMukorovi vaudza Studio 7 kuti, “Ndinoita mabasa chero ekuvaka, kubatsira vanovaka, kuchera mafoundation, plastering nezvakadaro."

Vatiwo, "Zviri nani kuti ndiite izvi pane kuti ndinogara ndakamirira kubva kuvabereki. Nekundiendesa kuchikoro kwavakaita uye kwavachiri kuita, vanotoshuvirawo kuti ndiwane basa rakanaka ndigare zvakanaka. Saka ndanyoresa kuti pamwe ndingariwanawo basa riri nani muhurumende.”

Memory Ndlovu uyo akapedzawo zvidzidzo zvake zveLibrary and Information Management paNUST muna 2018 ndemumwezve wevange varipowo.

Muzvare Ndlovu vati, “Kubva muna 2018 pandakapedza degree rangu handisati ndamboshanda."

Vatizve, "Ndinorarama nekubatabatawo apo neapo kuti ndiwane kurarama. Ndinoda kutenda mukana watapiwa wekunyores kuti tiwane mukana wekuwana mabasa muhurumende. Ini zvangu ndine kambani yangu diki yeFumigation and Cleaning Services. Ichiri diki zvayo asi shuviro yangu ndeyekuti kambani yangu ikure uye dai zvinhu zvakamira zvakanaka handaitsvaga basa asi kuti ndizviitire zvangu ndega.”

Mukuru wezvekufambiswa kwemashoko mubazi revashandi rePublic Service Commission Amai Maggie Mzumara vati donzvo regungano iri, nderekuzivisa vechidiki kunyanya mikana yemabasa avanogona kuwana muhurumende.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi vachishanda neLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, LEDRIZ, Doctor Prosper Chitambara vanoti zvisinei nekusamira zvakanaka kwehupfumi munyika pari zvino mabasa emuhurumende akakosha sezvo achibatsira kukudza hupfumi. Doctor Chitambara vati, “Chakakosha ndechekuti pave nestability mueconomy uye kuti economy itange kukura kuti hurumende igokwanisa kuve nemukana wakakura wekuwanisa vanhu mabasa."

Vatizve, " Zvakanyanya kukosha nekuti mabasa iwayo ehurumende anobastirawo zvakare kukudza hupfumi nebudiriro yenyika.”

Asi mutungamiri werimwe remasangano anomirira varairidzi reEducators Union of Zimbabwe, Muzvare Tafadzwa Munodawafa vanoti zvinoshamisa kuti hurumende inoti inoda kupa vanhu mabasa iko kumapazi akasiyana-siyana seedzidzo nehutano kuine vashandi vasina kukwana uye vasiri kunyatsobhadharwa.

Muzvare Munodawafa vati, “Mune mashortage evarairidzi nemanurse nemadhokotera uye vanhu vari kubuda mabasa vakawanda vachienda kunze kwenyika asi hurumende inototi haizi kupa vanhu mabasa muzvikamu izvozvi nekuti haina mari."

Vaenderera mberi vachiti, "Hazvidi kuti pave nedrama rese iri asi kuti tibudirane pachena. Ndinoona sekuti zvakadai kungobata vanhu kumseo sewave mugariro wehurumende.”

Gungano rePublic Service Commission rakaparurwa muHarare muna Zvita gore rapera uye komisheni iyi inoti ichaita chirongwa chimwe chete kumatunhu akasiyana-siyana munyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:41 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG