Accessibility links

Breaking News

VaBiden naVaTrump Voita Gakava Nhasi


VaDonald Trump naVaJoe Biden
VaDonald Trump naVaJoe Biden

Nhasi nenguva dza4 magwanani mutungamiri wenyika yeAmerica VaJoe Biden nevavari kukwikwidzana navo musarudzo yemutungamiri wenyika VaDonald Trump vachaita gakava riri kutarisirwa zvikuru nevakawanda munyika nekunze.

VaBiden naVaTrump vari kutarisirwa kutatsurana vachitaura nyaya dzezvehupfumi, magariro evanhu, hutano, nyaya yepfuti, kudyidzana nedzimwe nyika nezvimwe.

Munhoroondo yeAmerica, nagakava akatanga kutepfenyurwa paterevhizheni muna 1960 pakati paSenator John F Kennedy vebato remaDemocrats nevaive mutevedzeri wemutungamiri wenyika VaRichard Nixon. Vanomirira sangano reNationalDemocratic Working Group rinotungamirirwa naVaJob Sikhala muAmerica VaTafadzwa Munjanja vati vari kutarisira gakava iri zvikuru.

VaTrump naVaBiden vanowirirana kuti Ukraine inofanira kubatsirwa muhondo yayo neRussia asi hapana kuwirana kuti izvi zvoitwa sei.

VaTrump vanoti Ukraine haifanire kungoita mari yekupihwa pachena. VaTrump vanoti, "Tiri kufunga kuti zviri nani kuvapa chiri chikwereti kwete kuvapa mari pachena. Vanotizve, "Tinoramba tichipa vanhu zvipo zvemabhiriyoni emadhora."

VaBiden vari kutungamira mushandirapamwe wenyika dziri kubatsira Ukraine uye vapa nyika iyi mari inodarika mabhiriyoni zana nemakumi manomwe nemashanu kana kuti US$175 billion.

Vakati America ichamira neUkraine kuzvidzivirira kusvika yakunda . VaBiden vakati, "Kana America ikasiya Ukraine pamhepo inenge yaisiya munjodzi." Vakatizve, "Kana Europe inenge vave munjodzi nedzimwe nyika dzepasi rino. "

Panyaya yeIsrael vaviri ava vanogara vachikandiranawo makobvu nematete pakuti ndiyani sahwira mukuru weIsrael.

Vamwe vanotsigira bato remaRepublicans vachitungamira sangano reGlobal Exchange Programm International vati vari kutarisira kuti VaTrump vachataura zvinonwisa mvura vachiti pavaitungamira zvinhu zvaifamaba zvakanaka munyaya yehupfumi nezvimwe.

Asi izvi zvapikiswa naAmai Lucy Chikowero vanotungamira sangano reMTC Educate A Girl vanotsigira maDemocrats. Vanoti vari kufara nemitemo yaVaBiden pakuremekedza kodzerero dzemadzimai.

Gakava remaminetsi makumi mapfumbamwe iri riri kuitirwa kumuzinda wenhepfenyuro yeCNN kuAtlanta Georgia. Vanenge vachikokera gakava iri vatori venhau veCNN Jake Tapper naDana Bash.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG