Accessibility links

Breaking News

Nhengo dzeCCC Dzonyimwa Mukana weKubvisa Mari yeChibatiso


VaJameson Timba, vari kufanotungamira chimwe chikwata cheCitizens’ Coalition for Change..
VaJameson Timba, vari kufanotungamira chimwe chikwata cheCitizens’ Coalition for Change..

Mapurisa nhasi afumobata jongwe muromo achienda kuRotten Row Magistrate Court uko kwange kuchinzwikwa chikumbiro chemutungamiri wechimwe chikwata cheCitizens Coalition VaJameson Timba nevamwe vechidiki vebato ravo makumi masere nevanomwe kuti vopihwa mukana wekubvisa mari yechibatiso here kana kuti kwete. Izvi zvapawo kuti vamwe vabva vasungwa nemapurisa.

Nhengo dzebato rinopikisa idzi dzanyimwa mukana wekubvisa mari yechibatiso sematsananguriro egweta ravo VaAgency Gumbo.

Kunyimwa kwevanhu ava mukana wekubvisa mari yechibatiso hakuna kushamisa vamwe vanopikisa vanoti mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vakange vatotaura pamusangano wedare rePolitburo rebato ravo kuti vanopikisa vari kuda kukonzera kusagadzikana pamberi pemusangano weSADC uri kuitwa muna Chikunguru muHarare.

Sangano reAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe inoti mudzimai wemumwe murairidzi anova nhengo yebato iri asungwa.

Masangano anorwira kodzero dzevanhu akaita seAmnesty International ari kushora nyaya yekusungwa kwevanopikisa achiti ikodzero yavo iri mubumbiro remitemo kuratidzira. Vanopikisa vanoti mapurisa ave kuvarambidza kuti varatidzire.

Asi mutauriri wemapurisa Commissioner Paul Nyathi vari kuramba kuti mapurisa ari kutarisa kuti wabuda mumba maani.

Zvichakadaro, nhengo yeZanu-PF VaMike Chimombe nemumwe wavo VaMoses Mpofu vari kupomerwa mhosva yekuba mari inosvika mamiriyoni manomwe kana kuti US$7 million kubva kuhomwe yemutungamiri wenyika yekutengera varombo vari kumaruwa mbudzi vadzoserwa kujeri zvakare sezvo dare rati richaenderera mberi mangwana nekuzeya chikumbiro chavo chekuti vopihwa mukana wekubvisa mari yechoibatiso here kana kuti kwete

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:12 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

​
XS
SM
MD
LG