Accessibility links

Breaking News

America Inoti Yakazvipira Kubatsira Africa Kurwisa Vanopfurikidza Mwero Asi Zimbabwe Inoti Yanyangira Yaona


Hurumende yeAmerica inoti yakazvipira kuwedzera zvirongwa zvekusimbaradza hukama pakati pemauto enyika iyi nemauto emunyika dzemuAfrica kuitira kudzivirira kusagadzikana kunounzwa nevemapoka anopfurikidza mwero.

Asi hurumende yeZimbabwe inoti manyepo, ichiti America haidi kubatanidza nyika dzemuAfrica asi kudziparadzanisa.

Vachitaura nevatori venhau padandemutande nhasi mushure mekupetwa kwemusangano wevakuru-vakuru vemauto venyika dzemuAfrica wanga uchiitirwa muBotswana pasi pemubatanidzwa weU.S-Africa Command, kana kuti AFRICOM, mukuru weuto rekuAmerica anotungamira zvirongwa zvinoitwa muAfrica, General Michael Langley, vati nyika yavo inodisa chose kubatirana pamwe neAfrica mukusimbisa mauto emudunhu rino.

VaLangley vati, “Tine muono wakafanana panyaya yekugadzikana kwenyika dzedu. Naizvozvo mukushandidzana uku, tinoisa zvido zveAfrica pamberi, isu tochibatsira nezvikwanisiro." Vatizve, "Ndinovimba kuti kana tikashanda pamwechete, tinogona kupedza kusagadzikana mudunhu reAfrica.”

Vaenderera mberi vachiti America inoshora chose mashoko ekunyepa anobuditswa nenyika yeRussia senzira yekusvibisa chimiro chakanaka chenyika yavo. Vati, “Tiri kuona zvedu nyika yeRussia ichitenderedza manyepo pamusoro pezvirongwa zvedu senzira yekuda kuwana rustigiro mudunhu reAfrica."

VaLangley vaenderera mberi vachiti, "Izvi zvakaipa, uye tinoti ngazvimire. America inoda kushandidzana zvakanaka nenyika dzemuAfrica.”

Taedza kubata muzinda weRussia muZimbabwe kuti tinzwe divi rawo panyaya iyi, asi tanga tisati tawana mhinduro patazoenda pamhepo.

Asi mutauriri wemutungamiri wenyika yeZimbabwe, VaEmmerson Mnangagwa, VaGeorge Charamba, vaudza Studio 7 kuti nyika yeAmerica ibere rakazvipfekedza makushe egwai.

VaCharamba vati, “Zvinobva zvatsinhira mashoko akataurwa naVaMnangagwa kuRussia ekuti donzvo reAmerica harisi rekubatanidza Africa, asi rekuiparadza."

Vatiwo, " Vari kutsvaga nzira dzekuti vapinde vaise mweya wakaipa pakati pevavakidzani vanga vachidyidzana mune zvakanaka. Ndipo patiine dambudziko neAmerica ipapo.”

VaCharamba vati kusakokwa kweZimbabwe kumusangano wanga uchiitwa kuBotswana uyu kunoratidza humbimbindoga hweAmerica.

“Chandisiri kuziva ndechekuti simbaradzo yezvekuchengetedzwa kwenyika dzekuchamhembe kweAfrica uye mudunhu rose zvaro reAfrica, inobudirira sei kana dzimwe nyika dzichinzi imi hamukwani, imi munokwana, asi dambudziko riri redunhu rese? Zimbabwe inyika ine mauto anodadisa chose, kunyange mukaronda kwese kwaanoenda achinobatsira kurwisa vapanduki.” VaCharamba vaudza Studio 7.

Gweta uye vari nyanzvi inowongorora nyaya dzezvematongerwo enyika, Amai Jacqueline Sande, vati hurumende yeZimbabwe inofanira kuzvinzvera kuti sei isina kukokwa kumusangano mukuru wakadai nenyika ine simba kudarika dzimwe dzese pasi rese.

Amai Sande vati, “Tinofanira kutarisa zvakanakira kudyidzana nenyika dziri muNATO, kunova kuneAmerica, uyewo toona zvakanakirawo kudyidzana nenyika dziri muBRICKS, umo muneRussia." Vaenderera mberi vachit, "Asi kutaura kuno, hurumende yeZimbabwe yakarerekera kunyika dzekumabvazuva, anaRussia.”

Imwewo nyanzvi mune zvekudyidzana kwenyika uye vari mukuru wesangano reThe African Cause Trust, VaElton Ziki, vanoti Zimbabwe haingadyiwi sehove yakasvinura ndiko saka isina kukokwa neAmerica kumusangano wevakuru-vakuru vemauto uyu.

VaZiki vati, “America haiwirirani nemasvinuriro akaita Zimbabwe, naizvozvo kusakoka Zimbabwe kumusangano uyu, kuziva kuti inyika inogona kuzvimirira, uye kuzvidzivirira munyaya dzekuchengetedzwa kwerunyararo, kana kudzivirirwa kwenyika ino.”

Mumusangano nevatori venhau wanhasi, General Langley vati nyika yavo yawedzera kudyidzana kwayo nenyika yeZambia.

Izvi zvinobva zvakuchidzira bongozozo ranga riripo mazuva apera, rakakonzereswa naVaMnangagwa mushure mekunge vaudza mutungamiri wenyika yeRussia, Va Vladimir Putin, kuti America iri kusarura Zimbabwe asi ichibatsira dzimwe nyika dzinoti Malawi neZambia.

Mashoko aya haana kufadza dzimwe nhengo dzedare remakurukota eparamende yekuZambia, idzo dzakati dzaida kuti VaMnangagwa vamedze mashoko avo.

Musangano weAfrican Chiefs of Defense Conference uyu wakanangana nekusimbaradza mauto ehurumende dzemuAfrica, kuti vakwanise kurwisana nezvinetso zvekuchengetedza nyika dzavo, kunyanya zvinokonzereswa nemasangano anopfurikidza mwero.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:13 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG