Accessibility links

Breaking News

Mapurisa Asunga Vanhu Vashanu Vari Kushanda naVaJob Sikhala Achiti Vaita Musarinya


Job Sikhala
Job Sikhala

Mapurisa nhasi asunga nhengo dzesangano reNational Democratic Working Group rinotungamirirwa naVaJob Sikhala dzange dzichiita musangano kukuwadzana Extension muHarare.

Mumashoko kuvatori venhau, mutauriri wemapurisa Commissioner Paul Nyathi vati vasungwa ava vari kupomerwa mhosva yekuita musangano nechinangwa chekuda kutyora mutemo wenyika.

Gweta riri kumirira vasungwa ava VaKudzai Kadzere vanova nhengo yesangano reZimbabwe Lawyers for Human Rights vati vasungwa vaendeswa kudivi reLaw and Order paHarare Central Police Station vakapomerwa mhosva yekuita musarinya (Criminal Nuisance)

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:52 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangawa vanoti vane humbowo hwekuti vanopikisa vari kuda kukonzera kusagadzikana pamberi pemusangano weSADC. Dzimwe nhengo dzechimwe chikwata chebato rinopikisa reCitizens Coalition for Change makumi manomwe nepfumbamwe kusanganisira mutungamiri wavo VaJameson Timba dzakasungwa musi wa 16 chikumi dzichiita musangano pamba paVaTimba kuAvondale muHarare uye dzakanyimwa mukana wekubvisa mari yechibatiso dzichinzi dzaida kukonzera kusagadzikana munyika.

Asi magweta avo anoti vaingoita musangano wekucherechedza zuva re mmwana weAfrica kana kuti International Day of the African Child sezvinongoitwa nenyika dzakawanda.

Vamwe vanhu vatatu vainge venda kunovatsigira nhengo dzeCCC idzi kuRotten Row Magistrate Court vakabva vasungwa zvakare nemapurisa. Asi vanopikisa vanoti VaMnangagwa vari kugara vakabatira hana mumaoko semunhu akabirira sarudzo. Asi vebato riri kutonga reZanu-PF vanoti VaMnangagwa vakakunda zvine mutsindo.

Forum

XS
SM
MD
LG