Accessibility links

Breaking News

Chikwata cheWarriors Chinoshura Mare kuMakwikwi eCOSAFA Panguva Iyo ZIFA Normalisation Committee Inosiya Basa


Mutambi wechikwata cheWarriors Michael Tapera ari kunwisa zvibodzwa.
Mutambi wechikwata cheWarriors Michael Tapera ari kunwisa zvibodzwa.

Komiti iri kufanotungamira nhabvu munyika yeZIFA Normalisation Committee, iri kuregedza basa manheru ano, musi uyo maWarriors afadza nyika yese nekurova Zambia muCOSAFA Cup.

Chikwata chenyika chemaWarriors masikati chapinda munhandare ndokurova Zambia 2-0 mumutambo wacho wechipiri weGroup B yemakwikwi eCOSAFA Cup ari kutambirwa kuSouth Africa.

Zvibodzwa zvabva kuna Michael Tapera naTakunda Benhura zvapa Zimbabwe kukunda pamwe nekuenda pamusoro petafura mugungano iri nemapoinzi matanhatu, nemapoinzi matatu pamusoro peComoros iyo iri pachinhanho chepiri nemapoinzi matatu.

Comoros yawana mapoinzi aya mushure mekurova Kenya 2-0 nhasi masikati zvekare dokuenzana neKenya, Zambia iri pasi pasi isina kana poindi kubva mumitambo miviri.

Marongerwo azvakaitwa ndeekuti zvikwata zvinopedza zviri pamusoro mumagungano matatu aripo nechimwechete chinenge chine mapoinzi akawandisa chiri pachinhanho chechipiri mumagungano aya ndizvo zvinopinda muma semi fainari.

Kaputeni wechikwata cheWarriors Godknows Murwira.
Kaputeni wechikwata cheWarriors Godknows Murwira.

Kaputeni wemaWarriors, Godknows Murwira, anoti vanofanira kudzikamisa hana dzavo, kunyanya vatambi vatsva vari muchikwata ichi, kuti vakunde muhondo yavakatarisana nayo yekutora mukombe uyu.

"Vamwe vanenge vari vatsva muchikwata chedu ichi. Dzimwe dzenguva hana dzinogona kuve dzichirova. Asi tinenge tichisimudzirana nekusimbisana nekuti pakupedzisira toda kuti nyika yeZimbabwe izofara," anokurudzira Murwira.

Asi mutambo wemaWarriors neKenya neChipiri uri kutambwa nhabvu munyika isisatungamirwe neZIFA Normalisation Committee, iyo yanga ichitungamirwa naVaLincoln Mutasa.

Komiti iyi iri kuregedza basa manheru anhasi sezvayakatarirwa neFIFA musi wa 30 Chikumi, asi veruzhinji vanoti vaive vatononokerwa nekuenda kwayo vachiti yakakundikana mubasa rayo.

Normalisation Committee iyi iri kupomerwa mhosva yekuwisira pasi chikwata chemaWarriors nekusandura sandura varairidzi pamwe nekutadza kuita sarudzo yevatungamiri veZIFA sezvayaive vatarirwa neFifa.

Murairidzi wezvikwata zvevechidiki mumusha weGlen View muHarare, Spencer Nyanhete, anoti komiti yaVaMutasa yakauraya maWarriors nekusaziva kusarudza murairidzi aive akakodzera kugara pabonde.

"Normalisation Committee yatadza. Ukatarisa kumaWarriors vasandura varairidzi vanokwana vatatu, zvinove zvinokanganisa budiriro," anodaro Nyanhete.

Vanga vari sachigaro weZIFA Normalisation Committee, VaLincoln Mutasa.
Vanga vari sachigaro weZIFA Normalisation Committee, VaLincoln Mutasa.

Mutsigiri wenhabvu, VaKurauone Chihwayi, vanoti Normalisation Commiittee yakatouraya nhabvu munyika pachinzvimbo chekugadzirisa zvainetsa.

"Chinobatika chaicho chavakaita tirikuchishaiwa. Kusvika nhasi vanhu vekuti vakakundikana kugadzirisa zvikwata zvenyika zvenhabvu. Kusvika nhasi Zimbabwe yedu haisati yarongeka zvekukwikwidza zvakasimba nedzimwe nyika," vanodaro VaChihwayi.

Mashoko ari kutenderera anoti FIFA iri kudzika imwe Normalisation Committee nemusi weChitatu, iyo ichange ichitungamirwa naVaTommy Sithole.

Muongorori wemutambo wenhabvu, VaBrian Manyati, vanoti Normalisation Committee inofanira kuwedzerwa vanhu kuti zvinhu zvifambe.

"Zifa Normalisation inofanira kuwedzerwa vamwe vanhu vashanu. Vatatu vanofanira kuve vari vakuru vanozivisisa zvenhabvu yemuZimbabwe. Koitawo vanomirira vechidiki nemadzimai," vanodaro VaManyati.

Mitambo yeCastle Lager Premier Soccer League yatambwa nhasi yapera seizvi...

Dynamos 1 Greenfuel 0

TelOne 1 FC Platinum 1

Hwange 2 Bikita Minerals 2

Chicken Inn 0 Herentals 0

Chegutu Pirates 1 Arenel 0.

Makundano aya ave kuenda kuzororo repakati pegore asi achadzoka musi wa 13 Chikunguru.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG