Accessibility links

Breaking News

Gamba reNyika, Mushakabvu Brigadier-General (Rtd) Romeo Mutsvunguma, vanoradzikwa kumarinda eNational Heroes' Acre


Mutumbi waBrigadier-General (Rtd) Romeo Daniel Mutsvunguma uchidzikiswa murinda.
Mutumbi waBrigadier-General (Rtd) Romeo Daniel Mutsvunguma uchidzikiswa murinda.

Gamba renyika, Brigadier-General (Rtd) Romeo Daniel Mutsvunguma, avo vakashaya mwedzi wapera, varaidzikwa kumarinda eNational Heroes' Acre muHarare, mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa vachivarumbidza semunhu akanga akazvipira kushandira nyika yake.

VaMnangagwa vati nekuda kwekuzvipira kwavo, Brigadier-General Mutsvunguma vazowanikwa vachiradzikwa pamarinda emagamba apa apo pakaradzikwa humwe hutekwa tekwa hwenyika.

Mutungamiri wenyika vatorawo mukana uyu kuzivisa veruzhinji kuti kuitwa kwemusangano mukuru weSADC muZimbabwe pamwe nekutora husachigaro kwavo mwedzi unouya kuchapa mukana webudiriro yezvehupfumi nemagariro akanaka kuzadzisa donzvo redunhu ravo munyaya dzekusimudzirwa nekuvandidzwa kwemaindasitiri.

VaMnangagwa vakurudzira vechidiki kuti vade nyika yavo, vachiti Zimbabwe ichadzivirira miganho yayo uye icharamba zvinodiwa nevekumadokera zvekukangaisa kodzero dzevanhu munyika kuburikidza nekupindira mumatongerwo enyika.

Brigadier-General Mutsvunguma vakamboshanda kumuzinda weZimbabwe muAmerica kubva mugore ra 2003.

Muna 2008 vakanongedzwa nesangano rinorwira kodzero dzevanhu pasi rose, reHuman Rights Watch, semumwe wevakuru vemauto vakatungamira mukushungurudzwa pamwe nekutyorwa kwekodzero dzevanhu mumhirizhonga yezvematongerwo enyika.

Vanoongorora zvematongerwo enyika uye vari murongi wemabasa musangano reZimbabwe Network for Social Justice, VaRuben Tendai Mbofana, vanoti mashoko emutungamiri wenyika ekuti vari kuda kuvaka nyika vaajaira sezvo achigara achingotaurwa asi pasina chizobuda.

Vanoti semaonero avo, mutungamiri wenyika vave kushandisa mukana wechigaro cheSADC chiri kuuya ichi kuzvisimudzirawo pachavo muvana veZimbabwe sezvo vana veZimbabwe vari kunonga svosve nemuromo.

Panyaya yekuti mushakabvu vakapomerwa mhosva yekutungamira mumhirizhonga yezvematongerwo enyika yakaitika muna 2008, VaMbofana vanoti, "Ndivo vanhuka vanotodiwa naVaMnangagwa. Vanhu vanoshungurudza vanhu, vanhu vanotyora kodzero dzevanhu vachingochengetedza ka ivavo vari kutonga ivavo."

Brigadier-General Mutsvunguma vakashaya musi wa 19 Chikunguru, 2024 mushure mekurwara nechirwere cheshuga.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:13 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG