Accessibility links

Breaking News

Zvizvarwa zveZimbabwe muSouth Africa Zvotambira neMaonero Akasiyanasiyana Hurumende Yakadomwa naVaRamaphosa


Mutungamiri wenyika yeSouth Africa VaCyril Ramaphosa, naVaJohn Steenhuisen vebato reDA.
Mutungamiri wenyika yeSouth Africa VaCyril Ramaphosa, naVaJohn Steenhuisen vebato reDA.

Zvizvarwa zve Zimbabwe zviri mu South Africa zvotambira nemaonero akasiyanasiyana makurukota ehurumende yemubatanidzwa akadomwa nemutungamiri wenyika iyi Va Cyril Ramaphosa neSvondo.

Tarisiro yevazhinji yave yekuona kuti vakapiwa mapazi anobata nyaya dzine chekuita nevanobva kunze kwenyika, vakaita saVaLeon Schreiber vebato reDA, avo vakapiwa bazi rezvemukati menyika, vachazadzisa here vimbiso dzaipiwa nemapato avo munguva dzekutsvaga rutsigiro.

Bato reDA nderimwe remapato anotsigira nyaya yekuti zvizvarwa zveZimbabwe zviri muSouth Africa zvipiwe magwaro ekugara munyika iyi zviri pamutemo.

Asi vamwewo ndivo vanoti gurukota rimwechete harigone kushandura zvinenge zvakasungwa nehurumende, nekudaro vanhu vanofanirwa kutarisira kuhurumende yese, kwete kumakurukota mumwe nemumwe.

VaRamaphosa vamadoma dare remakurukota makumi matatu nemaviri muhurumende inonzi nevamwe yakakurisa, uye vakadoma makurukota avo kubva kumapato gumi nerimwe ari mumubatanidzwa anosanganirisira ravo reANC, DA, FF+ ne Inkatha Freedom party.

Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chiri muSouth Africa, Amai Diana Zimbudzana-Chambara vesangano reZimbabwe Exiles Forum, vanoti vanofara kuti kwakadomwawo mazita matsva kubva kwakasiyana siyana, asi vanoti vamirira kuona kuti pane here chinobatika chichabuda muhurumende iyi.

Nyaya dzavanotarisira ndedzehugaro hwevapoteri nevatorwa, nyaya dzedzidzo uyewo dzehutano, vachiti ndidzo nyaya dzinogaronetsa muzvizvarwa zveZimbabwe zvigere mu South Africa.

utungamiri webato reDA, VaJohn Steenhuisen, ndivo vakapiwa chigaro chegurukota rezvekurima.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:31 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG