Accessibility links

Breaking News

Chirwere cheShuga Chokwira muVana Vadiki


Murwere achitorwa ropa rekuvvheneka chirwere cheshuga.
Murwere achitorwa ropa rekuvvheneka chirwere cheshuga.

Imwe nyanzvi mune zvehutano vari chiremba, Doctor Life Zambezi, vanoti dambudziko rechirwere cheshuga kana kuti diabetes, riri kukura muvana vadiki vari kubatwa nechirwere ichi zvichizosiya vamwe vavo vakanganiswa hutano hwavo zvehupenyu hwese.

Mumwe mubereki ane mwana ane makore gumi ekuberekwa ane dambudziko iri ndiMuzvare (Amai) Naume Shereketo. Muzvare Shereketo vanoti mwanakomana wavo, Tadisa Sayi, akabatwa chirwere ichi aine makore matanhatu ekuberekwa zvekuti ave nemakore mana achinetseka nacho.

Muzvare Shereketo vanoti matambudziko avanosangana nawo pari zvino anenge ave kuti dzikireyi nekuti mwanakomana wavo pachake ave kugamuchira hurwere hwake.

Asi vanoti vane rimwe dambudziko guru ravari kusangana naro.

"Saka pachikafu ndopane challenge yangu kunyanya. tinozongopedzisira dzimwe nguva tamupawo chikafu chatinenge tichidya ichocho nekuti dzimwe dzenguva zvinenge zvichida mari kuti titenge chikafu chakanangana ne diabetes," vanodaro Muzvare Shereketo.

Vanoti mwana wavo pari zvino ari kutora mushonga we insulin .

“Anopiwa actraphane. Ndinomupa makuseni nemanheru. Saka pakuenda kuchikoro manje, kuti ndikwanise kumupawo mukaka, anofanirwa kunge aine mukaka waanotakura kuchikoro nema fruits kuti akwanise kuswera kuchikoro. Zvimwe iye zvino izvi zvave nani.”

Mumwewo ane hama iri kunetsekana nechirwere cheshuga ndiMuzvare Tapiwa Chiripanyanga, avo vanoti munin’ina wavo, Muzvare Tariro Chiripanyanga, vave nemakore makumi maviri vachinetsekana nechirwere ichi sezvo chakabatwa pavari vachine makore gumi ekuberekwa.

Vanoti chirwere ichi chakasiya Muzvare Tariro Chiripanyanga, avo vave nemakore makumi matatu ekuberekwa, vasisaona uye vakuvadzwa itsvo dzavo, izvo zvasvitsa kuti mhuri yavo ikumbire rubatsiro kumhuri yeZimbabwe rwekuti ikwanise kuunganidza mari inoita madhora zviuru makumi matatu zvemari yekuAmerica, kana kuti US$30 000.00 yekuti vaende navo kunoonekwa nenyanzvi dzezvirwere zveitsvo kuIndia.

Muzvare Tapiwa vanoti semhuri vapererwa nemazano nekuti chirwere ichi chinoberekawo zvimwe zvirwere zvakawanda.

"So apa isusu tiri kukumbira chikumbiro kumhuri yeZimbabwe kuti awanewo mari yekunoitwa transplant kuIndia uko kwakanzi kunoda approximately 30 000 yekuti aitwe transplant iyi. Ndomari yatiri kutarisira kuti tinge tawanawo nekukasika," vanodaro Muzvare Tapiwa Chiripanyanga.

Kumwe kudya kunokurudzirwa kunosanganisira ma carrot.
Kumwe kudya kunokurudzirwa kunosanganisira ma carrot.

VaNyasha Enock Mvenge ,vane makore makumi matatu nemapfumbamwe ekuberekwa vachigara mumusha weBudiriro muHarare.

VaMvenge vanotiwo ndemumwe akabatwa chirwere cheshuga vachiri mudiki pavaive nemakore gumi ekuberekwa.

VaMvenge vanoendera mberi vachiti dambudziko ravo guru nderekudhura kwemushonga we Insulin wavanoshandisa kuzvibaya pamwe nechikafu chine hutano chinokurudzirwa kuti varwere veshuga vadye, vachiti vanhu vazhinji havana ruzivo nezve chirwere ichi.

Dr. Zambezi vanoti chirwere cheshuga chave kubata vana vadiki zvakanyanya nezvikonzero zvakawanda zvinosanganisira chikafu chavanodya chavanoti chinenge chisina hutano, vachikurudzira vabereki kuti vape vana vavo kudya kunosanganisira nzungu dzakakangwa, pamwe nemichero inosanganisira ma apples, nemabhanana, kwete zvimwe zvikafu zviri kuonekwa mumbuva dzinotakurwa nevana kuzvikoro mazuvano.

"Tiri kuona kuwedzera kwevana vane shuga, vana vari kuita shuga vari vadiki. Tinoona kuti vana vazhinji vari kuita obesity vari vadiki zvino contributor kuti shuga inge ichiwanikwa muvana vadiki," vanotsangangura Dr. Zambezi.

Imwe nyanzvi yehutano vari chiremba zvakare, Dr. Josephat Chiripanyanga, vatsinhirawo vachiti kuwanda kwave kuita vanhu vari kurwara nechirwere ichi munyika munongedzo wekuti vakawanda havasi kudya chikafu chine hutano, uye nekuita mabasa anogwinyisa miviri yavo.

Dr. Chiripanyanga vanoti kuzorapwa chirwere ichi zvinodhura zvekuti murwere anogona kunzi abhadhare mari inodarika zviuru zviviri zvemadhora eku America kana kuti US$2 000.00 pamwedzi kuzvipatara zvisiri zvehurumende.

Nyanzvi yehutano hwemaziso, Dr. Solomon Guramatunhu, vanotiwo vanorapa vanhu vanosvika gumi pasvondo vanenge vaine dambudziko retsanga mumaziso kana kuti cataracts, kana vanenge vaine zvirwere zvemaziso kana kuti glaucoma, zvinogona kukonzerwawo nechirwere cheshuga.

Sangano reDiabetic Association of Zimbabwe.
Sangano reDiabetic Association of Zimbabwe.

Dr. Guramatunhu vanokurudzira kuti vanhu vapote vachimbonovhenhekwa maziso kamwechete pagore vachiti kana dambudziko iri rikakurumidza kubatwa, vanhu vanokwanisa kurarama vachiona zvakanaka kusvikira murufu.

Hatina kukwanisa kubata mutauriri webazi rezvehutano, VaDonald Mujiri kuti tinzwe huwandu hwevana kana vanhu vane dambudziko rechirwere cheshuga munyika, uye vanga vasati vapindura mubvunzo wedu wakatavatumira tisati taenda pamhepo.

Sangano reDiabetic Association of Zimbabwe rinoti nepamusana pekuti vanhu vakawanda havaongororwi chirwere cheshuga, ndizvo zvawedzera huwandu hwevanhu vane chirwere ichi.

Kunyange hazvo pasina huwandu hwevana kana vanhu vanorwara nechirwere cheshuga huri pachena muZimbabwe, ongororo yakaitwa muna 2017 inoratidza kuti vanhu gumi pavanhu zana muZimbabwe vanofungidzirwa kuti vanogona kunge vaine chirwere cheshuga uye zviuru zana, kana kuti 100 000, zvevanhu zvinorapwa chirwere cheshuga pagore muzvipatara zvehurumende.

Sangano reWorld Health Organisation rinoti chirwere cheshuga chatove dambudziko guru pasi rose zvokuti vanhu mamiriyoni mazana mana nemakumi mavivri nevaviri, kana kuti 422 milion, vari kurarama nechirwere cheshuga.

Vanhu miriyoni imwechete nemazana maashanu ezviuru, kana kuti 1,5 million, vanofa pagore neshuga pasi rose.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:58 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG