Accessibility links

Breaking News

Kambani yeZvizvarwa zvekuChina Yopomerwa Mhosva Yekusiya Makomba Chete kuMakonde Pasina Kuunza Budiriro


Mugodhi weKaolin, Makonde
Mugodhi weKaolin, Makonde

Vamwe vagari vekuMakonde mudunhu reMashonaland West havasi kufara nekutorwa kwedhaka rinoshandiswa mukugadzira matiles nezvimwe zvedhaka kana kuti Kalion nekambani yezvizvarwa zvekuChina yeSunny Fi Yeng asi pasina chinobatsika chavari kuwana kubva mazviri kunze kwekukanganisirwa nharaunda.

Kambani yeSunny Fi Yeng ine muzinda wayo wekugadzira zvinhu kuNorton iri kuchera dhaka iri kuMakonde nekwaZvimba.

Mumwe asiri kufara nekcherwa kuri kuitwa chicherwa ichi ndiVaNicholas Karemba vekuChakobora muwadhi 14 kuMakonde. VaKaremba vati, “ Hatisi kufara nezviri kuitika nekuti havasi kuunza budiriro.”

Vaenderere vachiti, “Vanongouya votora asi isu pasina chatiri kuwana” VaKaremba vanotsanangura. Zvinhu zvacho hatisi kuzviwana pamwe zviri kupihwa makanzura nevanotimiririra muparamende asi isu hapana chatiri kuwana.”

VaReason Muzeya vanoti kambani iyi iri kupa kuti varasikirwe nezvipfuyo zvavo zvimwe zvinowira mumakomba anosara asina kuvharwa. Vatizve, “Mazimotokari avanoshandisa anotimbinyura migwagwa uye vanosiya makomba akatekeshera munzvimbo.”

Mutauriri weSun Fi Yeng, VaAbel Mukumba vanoti kambani yavo inotevedzera mitemo yenyika yakaita sekubhadhara mitero kuhurumende pamwe nemakanzuru, painenge ichiita mabasa ayo ose.

VaMukumba vatiwo vakabhadhara zvakakwana vanhu vakatamiswa padzimba dzavo mushure mekuwirirana nevainge vari pari kucherwa dhaka iri.


Vanotiwo pamusoro vakapawo zvekuvakisa zvavanogadzira pazvikoro zvine chitsama zviri munharaunda iyi uye kupa vagari midziyo yekushandisa pakudya yavanogadzira pakambani yavo iri kuNorton kuburikidza nevamiriri venzvimbo muparamende. VaMukumba vaudzawo Studio 7 kuti, “Vagari vekuMakonde tinovapa zvinhu zvatinogadzira kuno uye takavacherera zvibhorani zvemvura yakachena”

Asi izvi zvapikiswa nevaimbove mumiriri weMakonde muparamende VaKindness Paradza vati,
“Kambani yeSunny Fi Yeng hapana zvakawanda zvavakaitira vagari pamakore gumi andaimirira Makonde “

Panyaya yemvura yakachena VaParadza, “Vakangotipa mafuta edzimotokari akachereswa mvura nebazi reDistrict Development Fund iyo isina kubata mvura.”

Mukuru wesangano reCentre for Natural Resource Governance, VaFarai Maguwu vanoti ongororo yavakaita inoburitsa pachena kuti vezvematongerwo enyika nevakuru muhurumende ndivo vari kupihwa mari nemakambani ezvizvarwa zvekuChina kwete vari munharaunda.

“Ongororo yedu inoratidza kuti maChina handiwo dambudziko asi hurumende yedu nekuti zvose zviri kuitwa nemaChina vari kuzviita vachishanda nehurumende” VaMaguwu vaudza Studio 7.

VaMaguwu vanoenderera mberi vachiti vemakambani ava vanorambidzwa kuita mabasa ebudiriro vachinzi nevakuru vemuhurumende vavape mari dzacho ivo vozonoita mabasa ebudiriro izvo vasingazoite. Vati, “Izvi takaudzwa nevemakambani ava vachiti vanorambidzwa kuita mabasa ebudiriro vachinzi tipei mari yacho tiite zvebudiriro tiri isu”

Asi mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vanoti ivo neChina vane hukama hwebhande nebhurukwa uye nyika iyi iri kubatsira Zimbabwe munyaya dzezvehupfumi. China yakavakira Zimbabwe dare reparamende pachena uye kuwedzera nhandare yendege yeRobert Gabriel Mugabe muHarare.

Asi vamwe vanoti China ndiyo iri kutowana zvakawanda kubva kuzvicherwa zveZimbabwe pane zvairi kuitira nyika zviri kuenda kuvashoma vakawanda vachitambura.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:44 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG