Accessibility links

Breaking News

WFP Inoti Huwandu weVari Kuda Chikafu muMaguta eZimbabwe Hwawedzera Zvakanyanya


Zimbabwe Food Shortages
Zimbabwe Food Shortages

Sangano rinobatsira nechikafu pasi rose reWorld Food Programme kana kuti WFP rinoti huwandu hwevanhu vasisina chekudya huri kuramba huchiwedzera zvakanyanya mumadhorobha emuZimbabwe sezviri kungoitikawo kumaruwa.

Huwandu hwevanhu vari kuda chikafu muguta reBulawayo semuenzaniso hwadarika pazana rezviuru nemakumi masere nechimwe kana kuti 181, 308 gore rapera kusvika pavanhu vanodarika zviuru mazana maviri nemakumi manomwe nemaviri kana kuti 272, 804 gore rino.

Sangano reWFP riri kuyambirawo kuti zvinhu zvichatoita manyama amire nerongo sezvo chirongwa charo chekubatsira vanhu nemari yekutenga chikafu mumadhorobha chave kusvika kumagumo.

WFP yati yasvika pamhararano sezvo chirongwa chekubatsira nemari ichi chiri kupera panguva iyo vanoda rubatsira vave kuwanda. Vanhu mamiriyoni mapfumbamwe muZimbabwe vakatarisana nenzara inotyisa gore rino.

Tatumira mubvunzo kumunyori mubazi rezvemagariro evanhu VaSimon Masanga asai vange vasati vapindura pataenda pamhepo.

Asi Zimbabwe yakatoisa chikumbiro chekuti inoda mari inodarika mabhiriyoni matatu kana kuti US$3,3 billion kuti ibatsire vanhu vari kuyaura nenzara.

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vakavimbisa kuti hapana anofa nenzara asi kuwana rubatsiro rwekupa vanhu kunenge kuri kunetsa nekuda kwekuti masangano akaita seWFP awandirawo nevanoda rubatsiro pasi rose zvawedzera nehondo dzakawanda dzasiya vakawanda vave vapoteri.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:35 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG