Accessibility links

Breaking News

VeChidiki Vanoti Vave Kutyorerwa Kodzero Zvakanyanya Pamberi peMusangano weSADC


Zimbabwe Opposition
Zimbabwe Opposition

Kune vemasangano anoshanda akazvimirira, kotiwo vemapato ezvematongerwo enyika anopikisa pamwe nevanhuwo zvavo, vanoti hurumende iri kumbunyikidza kodzero dzavo, apo iri kugadzirira musangano mukuru wevatungamiri venyika dzekuchamhembe kweAfrica, kana kuti SADC Heads of State Summit, uyo uchaitwa mwedzi unotevera.

Vechidiki vemunyika, kunyanya vemuHarare, ndevamwe veavo vari kuchema-chema pamusoro pekubatwa nekuseri kweruoko nehurumende, kunyange hurumende yacho iri kuramba mhosva yekutyora kodzero dzeveruzhinji.

Musi wa 16 mwedzi wapera, nhengo dzechimwe chikwata cheCitizens Coalition for Change makumi masere kunyanya dzechidiki dzakasungwa nemapurisa dziri pamba pemutungamiri wadzo VaJames Timba kuAvondale muHarare.

Nhengo dzeCCC idzi dzaiita musangano wekurcherechedza zuva remwana weAfrica kana kuti International Day of the Africana Child. Kudare dzakabva dzanyimwa mukana wekubvisa mari yechibatiso.

Havasi vezvematongerwo enyika chete vari kuti munyika maberekera ingwe. Chikoro cheBeacon Hill Primary School kuPlumtree chakarambidzwawo kuita mabiko ekutsvaga mari manheru zvichinzi nemapurisa zvinhu hazvina kugadzikana munyika.

Mumwe weavo anoti akatyorerwa kodzero dzake vhiki rapera, murume wechidiki akumbira kushandisa zita remadunhurirwa rekuti Maxwell Bhamusi, sezvo achitya kuzvikanda mukanwa mamupere. VaBhamusi vati, “Ini ndakavingwa nemapurisa matatu muguta reHarare aive asina kupfeka mayunifomu ebasa, vakanditi uri kutorerei mifananidzo yandaitora nembozhanhare yangu."

Vatizve, "Vakanditora vakaenda neni kukamba, uko vakanopinda mumbozhanhare yangu, vakapindawo muchikwama changu chandaive nacho. Vainditi ndinoshandira vasori veCIA nekuti ndakambowana mukana wekudzidza ndichishanda kuAmerika. Ndakarohwa uye ndikavata muchitokisi usiku hwese ndikazobuda neChishanu chadarika.”

Havasi vose vasiri kufara nezviri kuitwa nemapurisa. Mumwe mudzimai wechidiki anogara muHarare, Rumbidzai Mpofu, anoti kune nhunzvatunzva dzinoda kuonererwa kana nyika ichinge iine zvirongwa zvikuru zvakaita semusangano weSADC.

Muzvare Mpofu vati, “Hakasi kekutanga tichinzwa zvakadai kana paine hurongwa hukuru hwenyika."

Vatiwo, "Variko vemapato anopikisa nevamwe vemasangano anoshanda akazvimirira, vanopiwa mari nenyika dzekumadokero, kuti vakonzerese nyonga-nyonga, kuti zviite sekuti muZimbabwe zvinhu hazvina kumira mushe. Zvino mano aya haabudiriri nekuti mutungamiri wenyika VaMnangagwa, vari kubata basa sebasa.”

Kutaura kwaMuzvare Mpofu uku, kunotsoropodzwa naTapiwanashe Chiriga, wechidiki anoshanda nesangano rakazvimirira reHeal Zimbabwe. Muzvare Mpofu vaudza Studio 7 kuti, “Hurumende iri kuvhunduka chati kwatara."

Vaenderera mberi vachiti, " Vari kusvosva veruzhinji kuti varatidzire, asi kana varatidzira, vovanyaradza nenzira inoita kuti vasade kuzoratidzira zvekare. Muitiro wehurumende iyi kubva ipinde, hauna kumira zvakanaka. Vanoti vanotevedza bumbiro remitemo, asi vanorityora zvakanyanya. Vanhu ngavatenderwe kuratidzira nenzira yavanoda sezvinotaurwa nebumbiro remitemo.”

Zvava kutyisa kuungana muguta reHarare muri vanhu vanodarika vashanu, sezvo muchigona kusungirwa mhosva yekuungana pasina mvumo yemapurisa.

Izvi zvinonzi nedzimwe nyanzvi dzinoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika, kutyisidzira veruzhinji kuti vasasimudza misoro kunyange kodzero dzavo dzikambunyikidzwa.

Asi kunyange zvakadai zvichiitika, munyori mubazi rezvekubuditswa kwemashoko, VaNick Mangwana, vanoramba kuti pane kumbunyikidzwa kweveruzhinji kuri kuitika apo nyika yatarisana nemusangano weSADC Summit. VaMangwana vati, “Hatisati tanzwa kunyange mumwechete zvake anoti kodzero dzake dzakatyorwa."

Vatiwo, "Asi tinozviziva kuti varipo vana vanofarisa kana pamba pasvika vaenzi vachifunga kuti vachasiiwa vakadaro. Zvino chero pakaita vaenzi kana kwete, mitemo yepamba inongochengetedzwa. Hurumende ichaita zvese zviri pamutemo kuti bumbiro remitemo richengetedzwe.”

Vamwe vezvematongerwo enyika vari kutyira kuti nekuda kwekuratidzira kwakaitwa nevechidiki vekuKenya svondo rapera vachiramba nyaya yekukwidzwa kwemitero, hurumende yeZimbabwe ichatowedzera kumbunyikidza vanhu.

Kuratidzira kwevechidiki kwakaona vanhu makumi maviri vachiurayiwa nemapurisa, kwakamanikidza mutungamiri wenyika iyi VaWilliam Ruto kudududza pahurongwa hwavo hunonzi hwaizoomesera varombo uhu.

Nyanzvi inowongorora nyaya dzevechidiki, uye vakamboshanda nesangano reUnited Nations Federation of Youth Associations, VaMcLeo Mapfumo, vanoti hurumende yeZimbabwe haifaniri kunyararidza vanhu kana vaine zvinyunyuto.

VaMapfumo vati, “Chinonetsa ndechekuti veruzhinji vakaudza mapurisa kuti varikuda kuratidzira, vanonyimwa mvumo yekuita izvi, zvinozovasiya vasina imwe nzira, kunze kwekuratidzira zvisiri pamutemo."

Vatizve, "Ko kana bumbiro remitemo richitendera kuratidzira, vanhu vanorambidzirwei? Asiwo nerimwe divi, dai ivo vacho vanoda kupinda mumigwagwa vachiratidzira, vaita izvi nenzira iri pamutemo, kwete kuzoita mhirizhonga nekukanganisawo vamwe vasinei nekuratidzira kwavo.”

Musangano weSADC uyu, uchaitwa mwedzi unotevera muno muHarare, uchaona Zimbabwe ichitambidzwa chimuti chekutungamira gungano remubatanidzwa wenyika dzekuchamhembe kweAfrica iri, kwegore.

Chigaro chekuva sachigaro weSADC ndechemadzoro sezvo chichingotenderera kunyika dzose.

Asi veruzhinji munyika vave kuti dai musangano uyu waitwa ukapera, kuti vawane zororo, sezvo gadziriro yacho yave kutyora dzimwe kodzero dzavo ukuwo migwagwa yakawanda ichivharwa.

Hurumende yeZimbabwe yakatomboyambirwawo neUnited Nations kuti inofanira kuremekedza kodzero dzevanhu zvikuru vanoda kuratidzira murunyararo. Kodzero iyi iri mubumbiro remitemo renyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:30 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG