Accessibility links

Breaking News

Madzimai Akaremara Anoti Ari Kusarurwa Pakugoverwa kweMinda neNzvimbo dzeKuvakira Dzimba


Mamwe madzimai akaremara ari kuchema chema kuti ari kunyimwa mukana wekuwana minda, nzvimbo dzekuvakira dzimba kana mabhizimisi zvopa kuti vagare vari vekupemha vasingawane mukana wekuzvisimudzirawo.

Vachitaura nemusi weSvondo pamusangano wekukurudzira kuti kodzero dzemadzimai dzekuwana minda dziremekedzwe, mukuru weZimbabwe Women Anti-Corruption Trust Amai Vimbai Matendere vakati madzimai akaremera ari kusarudzwa pazvirongwa zvekugoverwa kwenzvimbo dzekuvakira vachinzi havana mari yechibatiso.

Muimbi Muzvare Deltrish Manyepo, uyo akaremara gumbo anoti ave nenguva akamirira kupihwa pekuvakira kunyangwe akanyoresa zita rake sezvinokurudzirwa.

Muimbi Delish Manyepo
Muimbi Delish Manyepo

Mukuru wesangano rinorwira kodzero dzevakaremara, reMasvingo Albinos Trust, Muzvare Agnes Gurune vakurudzira makanzuru kuti vavasiirewo chimwe chikamu parutivi.

Asi vachipindura, meya wedhorobha reMasvingo, VaAleck Tabe, vanoti vanoremekedza vakaremara uye pose pavanotengesa nzvimbo dzekuvakira dzimba vanovasiira zvikamu gumi kubva muzana.

Vamwe vakaremara vanoti madzishe nemasabhuku kumaruwa anovanyima minda achiti havakwanisi kuzorima nekuda kwehurema hwavo. Asi vamwe vakaremara vanoti vanoita mabasa dzimwe nguva muhurumende anovapa mari yekuti vatsvage vanovaitira maricho.

Mambo Magudu, Pastor Cover Mugwadi, vaimbova mudzidzisi uye vasingaoni vanoti madzishe nemasabhuku anofanira kupa vakaremara mukana nekodzero yekuvawo neminda.

Mukuru webandiko rinoona nezvevakaremara mubazi rezvemagariro evanhu munyika, Dr Chrisitine Peta, vanoti hurongwa hweNational Disability Policy unosimbisa kuti vakaremara vasasarudzwe pakuwana kodzero dzavo.

Asi vakaremara vakawanda vanoti kunyange hurongwa uhu huripo, mapazi ehurumende pamwe nemakanzuru havahuremekedze sezvo usiri mutemo wakapasiswa nedare reparamende.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:35 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG