Accessibility links

Breaking News

PaNyaya yeMukuru weZNA


Mapato anopikisa uye anorwira kodzero dzevanhu ari kushora zvikuru mashoko ari kubuda pavhidhiyo iri kutenderera pamadandemutande anonzi akataurwa nemukuru wemauto eZimbabwe National Army Lieutenant General Anselem Nhamo Sanyatwe pamusangano webato reZanu-PF kuNyanga North vachiti Zanu-PF ichatonga kusvika madhongi amera nyanga uye vanogona kuita zvekumanikidzira vanhu semukuru wemauto kuti vavhotere bato iri.

Mutauriri werimwe sangano rinomirira masangano akazvimirira oga reCrisis in Zimbabwe Coalition VaMarvellous Khumalo vaudza Studio 7 kuti bumbiro remitemo renyika haribvumidze mauto kupindira munyaya dzezvematongerwo enyika.

Hatina kukwanisa kubata VaSanyatwe Mbune kuti tinzwe divi ravo asi tabata mutauriri wemauto Colonel Alphios Makotore avo vati havataure nezvezvinhu zvinenge zvichitenderera pamadandemutande.

Forum

XS
SM
MD
LG