Accessibility links

Breaking News

Vatsigiri veZanu-PF Vodzingwa Papurazi Ravakatanga Kugara Muna 2000 kuMasvingo


Masvingo evictions
Masvingo evictions

Vamwe vatsigiri vebato reZanu PF vanodarika zviuru zviviri vakagariswa papurazi reClipsharm pedyo nedhorobha reMasvingo nguva yehondo yeminda muna 2000 vari kupika kuti havasi kuzobva kunyangwe hurumende iri kuti ngavabve pavakwe dzimba.

Nhasi vagari vepapurazi apa vaita musangano vakati vakashamisika kuona minda yavo ichiroverwa hoko dzekutanga kuvaka uye muchipinda magiredha. Meya weguta reMasvingo iro rinonzi riri kuda kupihwa purazi iri kuti rivake musha wevashoa VaAleck Tabe vaudza Studio 7 kuti havana zvekutaura sezvo zviri kuitwa papurazi apa zviri kutungamirirwa nehurumende.

Sachigaro weClipsharm Resettled Farmers, VaRogers Gava vati pakauya magiredha aya vakaenda kuhofisi yegurukota reMasvingo, VaEzra Chadzamira uko vakanzi vachaita musangano negurukota rinoona nezve minda, Doctorr Anxios Masuku uye rezvedzimba

Hatina kukwanisa kubata makurukota aya. Asi munyori mukuru mubazi regurukota reMasvingo, Doctor Addmore Pazvakavambwa vatenda kuti hurumende iri kutora purazi iri uye pachaitwa musangano nevakuru vehurumende.

Asi vagari vanoti makurukota aya ndiwo ari kuda kuti vabve nekudaro vave kuda kuita musangano nemutungamiriri wenyika VaEmmerson Mnangagwa. Hatina kukwanisa kubata mutauriri waVaMnangawa VaGeorge Charamba kuti tinzwe kuti izvi zvinokwanisiak here.

Vamwe vagari vakaita saAmai Susan Hwanya vati vakadzingwa havana kwekuenda.

Amai Mercy Takavada vanoti sevana vevarwi verusungunuko vanotsigira bato reZanu-PF vari kuona sekunge varaswa.


Mumwe murwi wehondo yerusununguko, VaHappymore Ngoma vaudzawo Studio 7 kuti…

Gweta, VaMadock Chivasa vati kutanga kudzingwa kwevanhu ava hakusi pamutemo sezvo nyaya iyi ichiri kumatare

Mutemo unosungira kuti hurumende itange yatvagira vanhu pekugara isati yatanga kuputsa misha yavo.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:41 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG