Accessibility links

Breaking News

African Union Yobatsira Zimbabwe Kurwisa Nzara


Hurumende nhasi yapihwa mamiriyoni makumi matatu nemaviri emadhora ekuAmerica (US$32million) nechikamu cheAfrican Union chinoona nezvekushanduka kwemamiriro ekunze cheRisk Capacity kuti ishandiswe pakudzivirira matambudziko enzara yakonzerwa nekusaturuka kwemvura kana kuti ‘El Nino phenomenon’.

Pamari iyi, hurmende yapihwa mamiriyoni gumi nematanhatu nezviuru mazana masere zvemadhora, World Food Program, yapihwa mamamiriyoni matanhatu nechidimbu kozowotiwo sangano reStart Network rawana mamiriyoni mapfumbamwe emadhora.

Vachitambira mari iyi, gurukota rezvemari Muzvinafundo Mthuli Ncube vati ichabatsira vanhu mutanhu makumi maviri nemanomwe kana kuti mhuri mazana mashanu nepfumbamwe (509 000).

Munyori mubazi ravo, VaGeorge Guvamatanga vaudza Studio 7 kuti ishuviro yehurumende kudzvirira matunhu ese kubva kunzara.

Mukuru weWorld Food Program, Amai Franseca Erdelman, vati mari yavapihwa ichabatsira mhuri zviuru mazana maviri (200 000) mumatunhu matatu uye vati vakapinda muchirongwa ichi mushure mekunge vaona matambudziko aikonzerwa nekushanduka kwemamiriro ekunze.

Start Networt iyo inoshanda munyika ina muAfrica yati muZimbabwe inoshanda mumatunhu anoti Masvingo, Matabeleland South neMidlands.

Mumwe mukuru mubazi rezvekuchengetdzwa kwevanhu iro rinotungamira kugoverwa kwechikafu munyika, VaClifford Matorera, vati mari iyi ichabatsiri zvikuru pakuwanisa vanhu chikafu.

Sachigaro webhodhi reAfrica Risk Capacity, Doctor Antony Mathae Maruping, varumbidza Zimbabwe nekutora matanho ekudzivirira njodzi nekukasika pamwe nekushanda nesangano ravo.

Vaenderera mberi vachiti sangano ravo rave kupawo rubatsiro rwekudzivirira njodzi dzinokonzerwa nemafashamu emvura pamwe nezvirwere.

Mamwe matunhu achabatsirwa pasi pechirongwa ichi iBuhera, Mudzi, Zaka, Lupane, Tsholotsho, Kariba neMt Darwin.

Chirongwa ichi chiri ichi chiri kutsigirwa nenyika dzakawanda kusanganisira Britain, Canada, America, Germany neSwitzerland.

Nyanzvi munyaya dzekubatsira vanhu nechikafu uye vakashanda nesangano reChristian Care Reverend Forbes Matonga, vatenda rubatsiro rwauya nhasi asi vakati pachiri kudiwa mari yakawanda kana zvichienderana nechikumbiro chakaitwa nehurumende.

Zimbabwe yakatarisana nenzara inotyisa zvekuti vanhu vanodarika mamiriyoni mapfumbamwe vari kuda rubatsiro rwechikafu.

Hurumende yakatoisa chikumbiro chemari inoita mabhiriyoni matatu nezviuru mazana matatu zvemadhora (US$3.3billion) kunyika dzekunze, makambani, vanhu pamwe nemasangano anopa rubatsiro kuti ikwanise kutenga chikafu uye kutsvagawo dzimwe nzira dzekurwisa matambudziko anokonzerwa nekushanduka kwemamiriro ekunze.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:13 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG