Accessibility links

Breaking News

America Yopemberera Zuva reKuzvitonga Kuzere Kubva kuBritain


YE Top Photos North America 2023
YE Top Photos North America 2023

America nhasi iri kupemberera makore mazana maviri nemakumi mana nemanomwe kana kuti 247 kubva zvayawana kuzvitonga kuzere muna 1776 kubva kuBritain. Mutungamiri wenyika VaJoe Biden nemudzimai wavo Amai Jill Biden vari kutarisirwa kuita mabiko nemhuri dzemauto pamuzinda wavo weWhite House muWashington DC.

Kunze kwemabiko aya, vanhu vari kuungana munzvimbo dzakasiyana siyana manheru ano vachipemberera zuva iri.

Vanhu vanodarika mamiriyoni matatu vanonzi vari nkushanyira matunhu akasiyana siyna panguva ino.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika vachidzidzisa pachikoro chepamusoro cheCalifornia State University, Muzvinafundo Angela Zivo Gapa vaudza Studio 7 kuti iri izuva rakakosha zvikuru munhoroondo yeAmerica nekuti rinoratidza kusungunuka kwenyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:28 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG