Accessibility links

Breaking News

Vamwe Vanotevera Nhabvu muNyika Vanoti Zimbabwe Ichine Rwendo Rwekuti Isvike kuFainari yeAFCON 2025


Mukombe Africa Cup of Nations. Fainari ichaitirwa kuMorocco gore rinouya.
Mukombe Africa Cup of Nations. Fainari ichaitirwa kuMorocco gore rinouya.

Vateveri vemutambo wenhabvu muZimbabwe vanoti pane zvakawanda zvinoda kugadziriswa Zimbabwe isati yaita maroto ekubudirira kuenda kumafainari eAFCON 2025 ayo achaitirwa kuMorocco.

Zimbabwe yakaiswa mugungano reGroup J mukubatanidzwa kwakaitwa zvikwata neCAF, gungano rine nyika dzinoti Cameroon, Kenya neNamibia munzira yekuenda kuAFCON 2025 iyi.

Zvikwata zviviri kubva mugungano iri ndizvo zvinobudirira kuenda kumafainari ayo achaitirwa kuMorocco muna 2025.

Kunyange hazvo kungano iri risina kunyanya kuoma, veruzhinji vanotevera mutambo uyu vanoti pane zvakawanda zvinoda kugadziriswa pasati paitwa maroto ekuenda kumafainari uku.

Nhengo yeWarriors Friends Club, VaProsper Mashaya, vanoti Zimbabwe inokwanisa kukanganisika munzira yeAFCON 2025 iyi kana ikaramba ichitambira mitambo yayo yepamusha kune mwenyika sezviri kuitika pari zvino.

Zimbabwe haina nhandare yekushandisa zvichitevera kumiswa kweNational Sports Stadium neveConfederation of African Football iyo VaMashaya vanoti inofanira kugadziriswa sezvakatarwa.

"Chichatikanganisa inyaya yenhandare. Hatisikuziva kuti tichatambira muno muZimbabwe kana kunze kwenyika. Tirikukumbirisa kuti hurumende itigadzirisirewo dzinhandare," vanodaro VaMashaya.

Zimbabwe yakashandisa nhandare yekuRwanda semusha wayo apo yakaita mangange 1-1 neNigeria ndokuzoshandisa zvekare nhandare yemuSouth Africa apo yakatamba neLesotho ndokurohwa 2-0.

Asi chinonzi nevakawanda chiri kudiwa nechimbichimbi kutsvaga murairidzi wemaWarriors iye zvino, sekutaura kwemutsigiri mukuru wemaWarriors, VaAdam Mukwasi.

" Sezvo tisina murairidzi chaiye chaiye. Hatifanire kutora mazuva tisina murairidzi. Patinosvika nechishanu tinofanira kuve tave nemurairidzi. Tine nguva diki diki, kana tichikwanisa kuwana murairidzi, ngatinupei basa, opihwa nguva yake aine vatambi mukamba," vanodaro VaMukwasi.

Vamwewo vakaita semutsigiri weCaps United, VaParadzai Jemwa, vanoti nenguva shoma iripo Zimbabwe inoda varairidzi vanoziva mamiriro enhabvu yemunyika vakaita saBruce Grobbelaar, Kaitano Tembo, kana Joey Antipas.

Aimbove mutambi weZimbabwe, Bruce Grobbelaar.
Aimbove mutambi weZimbabwe, Bruce Grobbelaar.

Muongorori wemutambo wenhabvu, VaBoswell Marimo, vanoti pakaiswa murairidzi panenge pave kudiwa gadziriro yakasimba inosanganisira mitambo yekuedzana masimba nezvikwata zvine mazita munhabvu.

"Tinoda kuti tiite gadzirito dzakasimba, tiitewo mitambo yekuedzana masimba nezvikwata zvinogona mutambo uyu tichigadzira chikwata chedu. Izvi zvinokwanisa kutibatsira kuti tikunde mugungano rataiswa iri," vanopa mazano VaMarimo.

Cameroon yakatora mukombe weAFCON kanokwana kashanu asi Kenya neNamibia hadzina nhoroondo yakasimba mumakundano aya.

Asi mutevedzeri wemurairidzi weDynamos, Lloyd Chigove, anoti nzira iri mumaWarriors haina kupfava sezviri kutaurwa nevamwe achiti iye Zimbabwe inoda vatambi vayo vese vane mukurumbira kusanganisira kukumbira Knowledge Musona kuti adzoke kuma Warriors.

"Ratakatarisana naro, igomo rinoda kuti tiise musoro pamwechete kuti tibatsirane. Kunyange ava vakati vazorora kutamba anaKnowledge Musona ava, aiwa tinovakumbira kuti vadzoke, vambobatsira vakomana," anoisa chikumbiro Chigove.

Aimbove maneja wechikwata chenyika cheWarriors ichi, Wellington Mpandare, anoti hapana chikwata chisingaroveke zvekuti anofunga kuti Zimbabwe inobudirira mugungano, iri asi achiti panoda kakurongeka.

"Bhora haro muAfrica rachinja asi hapana team isingadyike. Saka handisi kuona chakanyanyo kuoma. Tarisiromyedu

ndeyekutiwo tikwanise kuti tipedze tiri pamusoro pegungano iri," ane chivimbo Mpandare.

Zimbabwe iri kuvhura musangano wemakundano aya nemutambo neKenya musi wa 2 Gunyana kuNairobi kwakare kuKenya.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG