Accessibility links

Breaking News

Mapurisa kuHurungwe Anonyima Mvumo yeKuratidzira kuNhengo dzeCitizens Movement


Tsamba yemapurisa eZimbabwe Police achinyima Citizens' Movement mvumo yekuratidzira.
Tsamba yemapurisa eZimbabwe Police achinyima Citizens' Movement mvumo yekuratidzira.

Mapurisa edunhu reHurungwe kuMashonaland West anyima nhengo dzechikwata cheCitizens Movement chinotsigira bato reCCC riri kutungamirwa naVaJameson Timba mvumo yekuratidzira nekunosiya tsamba yekunyunyuto kudare reKaroi Mejasitiriti nemusi weChipiri 10 Chikunguru, 2024.

Chikwata ichi chakanga chazivisa mapurisa musi wa 2 mwedzi uno nezvehurongwa hwacho hwekuda kuratidzira chichinyunyuta nekusungwa kwenhengo makumi manomwe nepfumbamwe (79) dzechikwata cheCCC yaVaTimba kusanganisira naivo vaTimba musi wa 16 mwedzi wapera apo dzakanga dzaungana pamba pavo kuAvondale muHarare kuti dzicherechedze zzuva remwana wemu africa.

Vasungwa ava vakapomerwa mhosva yekuita zvemusarinya, kuungana nechinangwa chekukonzera mhirizhonga pamwe nekuda kukanganisa runyararo, uye vachiri muhusungwa mushure mekunyimwa mukana wekubvisa mari yechibatiso uye dziri kutarisirwa kudzoka zvakare mudare neChipiri.

Hatina kuwanisa kubata mukuru wemapurisa mudunhu reHurungwe, Chief Superintendent Karuru, avo vanove ndivo vakanyora tsamba yekurambidza kuratidzira uku.

Hatinawo zvakare kukwanisa kubava mutauriri wemapurisa nyika yose, Commissioner Paul Nyathi sezvo nhare dzavo vose dzanga dzisiri kudairwa.

Asi vari kutungamira hurongwa kwekuda kuratidzira uhu, VaWilson Makanyaire, vaudza Studio 7 kuti kunyange havo vanyimwa mvumo nemapurisa, vachaenderera mberi nehurongwa hwavo sezvavanopiwa nebumbiro remitemo yenyika.

"Isu hatidi kupiwa mvumo nemapurisa. Mapurisa tamazivisa. Tavataurira. Mvumo takapiwa kare neConstitution yeZimbabwe. Section 59 of the Constitution of Zimbabwe inobuda pachena kuti takasununguka kana tine zvinyunyuto kupinda migwagwa nemudzinzira tichifamba tichi demonstrator zviri peaceful tichitaura zvinyunyuto zvedu. So hatina mvumo yatinoda kumapurisa," vanodaro VaMakanyaire.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:22 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG