Accessibility links

Breaking News

Kushaikwa kweMichina yeKurapa Magomarara muNyika Kwomanikidza Varwere Vakawanda Kunorapwa kuZambia


Michina yemuzvipatara zvehurumende inonzi yakafa yose uye haisati yagadziriswa.
Michina yemuzvipatara zvehurumende inonzi yakafa yose uye haisati yagadziriswa.

Nekuda kwekukwira kwemari dzinobhadhariswa varwere vegomarara muzvipatara zvakazvimirira zvemunyika, varwere vakawanda vegomarara vanonzi vave kuyambuka rwizi Zambezi vachinorapwa muZambia, umo vanonzi vari kubhadhariswa mari dziri pasi zvikuru.

Izvi zvinonzi zviri kuwedzerwawo nedambudziko rekuti michina yekurapa magomarara iri muzvipatara zvehurumende zvemunyika yakafa kare kare.

VaPhineas Ushe, vanoti mbuya vavo vakaguma vanogurwa gumbo raiva ravhiringidzwa negomarara kuChikankata Mission Hospital kuLivingstone kuZambia mushure mekunge vakundikana kuunganidza zviuru zviviri zvemadhora ekuAmerica, USD2 000, zvaidiwa nechipatara chemuHarare chakazvimirira, vachiti mari dziri kutarwa nenyanzvi dzinorapa magomarara dzemunyika hadzibatike zvachose.

“Mari dzaidiwa kuzvipatara zvekuHarare izvo zvakazvimirira vaida mari isingakwanise munhuwo zvake saka takangoita zano rekuti vanorapwa mhiri kwaZambezi,” vakadaro VaUshe.

Izvi zvinonzi zviri kuwedzerwa nekuti zvipatara zvehurumende zvinofanirwa kunge zvichibhadharisa mari dziri pasi hazvina zvikwanisiro zvekurapa magomarara.

Mukuru wechikamu chinoitwa zvidzidzo zvakanangana nezvirwere, kana kuti Department of Chemical Pathology, pachikoro chikuru cheUniversity of Zimbabwe School of Medicine, Muzvinafundo Hilda Matarira, vakurudzira hurumende nevakuru vemaindasitiri emunyika kuti vaite mushandirapamwe wekuvaka chipatara chakanangana nezvekurapa magomarara chete.

“Nyika ino yave kungodiwa kuti ivake chipatara chakangomirira kurapa magomarara chete nokuti zviri pachena kuti huwandu hwevarwere hwakurisisa," vanodaro Muzvinafundo Matarira.

Muzvinafundo Matarira vaendera mberi vachiti varapwi vazhinji vanozoenda kuchipatara denda ratofamba nemitezo yese izvo zvinozoita kuti zvivadhure kuzorapwa.

“Zvakanakawo chaizvo kuti munhu wese apote achinoongorwa mitezo yake kamwechete pagore nokuti magomarara anozoonekwa atoparadza nhengo dzemuviri zvokuti kurapwa kwacho kunenge kwave kunetsa.”

Vaimbova gurukota rezvehutano muhurumende yemubatanidzwa, Doctor Henry Madzorera, vanotsinhirawo kuti kurapwa munyika kunodhura vachiti zvinhu zvose zvinoshandiswa panguva yekuvhiya varapwa nemamwewo maoparesheni, zvinotengwa mhiri kwemakungwa pachishandiswa madhora ekuAmerica.

“Zvinhu zvinoshandiswa pakuongorora uye nekuvhiya murapwa zvinotengwa nezvipatara zvakazvimirira zvinodhurisa nokuti nyanzvi dzehutano dzinozvitengera mishonga yacho mhiri kwemakungwa. Saka ndiro dambudziko ratinaro.”

Mushandi wezvehutano achirapa madzimai.
Mushandi wezvehutano achirapa madzimai.

Asi gurukota rezvehutano, Doctor Douglas Mombeshora, vanoti hurumende ine chido chaizvo chokutenga mishina yokupisa nekurapa magomarara akasiyana siyana, kana kuti cancer machines, asi vanoti panofanirwa kutanga pambopiwa dzidziso inenge iri pamusoro pemashindisirwo emishina yacho isati yatengwa.

Doctor Mombeshora vanoti dzidziso iyi ichange yakanangana nenyanzvi dzinorapa magomarara kana kuti radiooncologists, uye vaendera mberi vachiti dzidziso idzi dzinotora nguva yakareba.

“Chokutanga, hurumende inodisisa chaizvo kurerutsira varapwa vemagomarara asi panofanirwa kuva nekugadziriswa kwemihoro kuti nyanzvi dzehutano idzi dzikwanise kushandawo dzakasununguka dzichitambirawo mari inoendera nehukosha hwadzo.”

Nyika yeZambia yakatovaka chipatara chinorapa magomarara chete zvekuti zvizvarwa zveko zvinotorapwa pachena.

Chero zvazvo vanobva kunze kweZambia vachibhadhariswa miripo kuti vakwanise kurapwa, mari dzavanobhadhariswa dzinonzi haizoenzane nedziri kubhadhariswa muzvipatara zvemuZimbabwe.

Mutauriri webazi rehutano kuZambia, Amai Pauline Mbangweta, vanoti vachambotanga vapira nyaya iyi kumunyori mukuru webazi rehutano pavavhunzwa kuti varapwi vangani vanobva kuno vachienda kunorapwa ikoko.

Ongororo yakaitwa nesangano reCancer Registry mugore ra2021, inoratidza kuti huhwandu hwevanhu vari kubatwa nemagomarara huri kukura chaizvo uye sezvo yave kubatawo vana vadiki vari pasi pemakore gumi nemana.

Gwaro regore iroro rinoratidza kuti gomarara repamuromo wechibereko, gomarara repazamu nerepasikarudzi kuvanhurume ndiwo magomarara akabatwa vanhu zviuru zvinomwe nemazana masere ane makumu mana nemumwechete, kana kuti 7 841.

Zimbabwe inonzi ine michina mina chete inorapa gomarara, mitatu iri pachipatara cheParirenyatwa, nemumwechete pachipatara cheMpilo kuBulawayo asi inonzi yave nenguva isingashande.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG