Accessibility links

Breaking News

Muzinda weAmerica muZimbabwe Unobatana neSangano reJibilika Dance Trust muKudzidzisa Vaimbi veHip-Hop Kushandisa Muambo Wavo seDzidziso


Vaimbi vekuAmerica Nick Neutronz, Kritiği Rao naDee-1 ndevamwe vari muZimbabwe.
Vaimbi vekuAmerica Nick Neutronz, Kritiği Rao naDee-1 ndevamwe vari muZimbabwe.

Muzinda weAmerica muZimbabwe, wabatana nesangano rezvemitambo yekuvaraidza veruzhinji, reJibilika Dance Trust, muchirongwa chemasvondo maviri chekudzidzisa vaimbi wemusambo weHip-hop muZimbabwe mukushandisa musambo uyu nechinangwa chekuti vanhu vagare zvakanaka, uyewo kuti vaimbi ava wawanewo chouviri kubva mumusambo uyu.

Chirongwa ichi chiri kuitirwa pa Zimbabwe College of Music, uye chiri kupindwa nevaimbi vemusambo we Hip hop vana vakabva ku America. Vaimbi ava vari kupa ruzivo rwavo kuvaimbi vemuZimbabwe.

Mumwe wevaimbi vakabva ku America, Lady Beast, ari kukurudzira vasikana nemadzimai kuti vasatyire kure kupinda muHip-hop.

“Kana munhu achida kupinda mune zvekuvaraidza veruzhinji, haafaniri kunyara. Iko kutamba chaiko kunoita kuti vanhu vasafunganye, uyewo kunosimbisa muviri. Ndinokurudzira madzimai kuti asagarira matarenda avo, asi vazviratidze.”

Wechidiki anoimba musambo weHip-hop, Kelvin Chidharara, uyo anga aripowo pamusangano wanhasi, aratidza kufarira zvidzidzo zvavari kuwaniswa pachirongwa ichi.

“Tiri kudzidza zvakawanda zvine chekuita nemimhanzi uyewo nezvimwe zvehupenyu zvakafanana nezvehutano hwepfungwa. Ndinovimba kuti pachapera chirongwa ichi, ndinenge ndavandudzika zvakanyanya nekuda kweruzivo rwandichawana.”

Mumwe muimbi, Michael Musekiwa, anoti mufambo uchiripo, kuti nharaunda, kunyanya vabereki, vagamuchire kuti kuimba musambo uyu kunogona kuraramisa vechidiki.

“Ndichishandisa muenzaniso wangu, vabereki vangu zvakambovanetsa kuti sei ndada kuita zvekubika mimhanzi yeHip-hop. Asi vakazotanga kuzvigamuchira; zvichiuyawo nezvirongwa zvakaita seizvi. Vanenge vachiti kana muzinda weAmerika chaiwo uchitsigira zvakadai, zvinhu zvakanaka zvinodawo kutsigirwa.”

Asi musambo weHip-hop unotsoropodzwa nevamwe uchinzi unokurudzira kunyombana, kutaura zvinyadzi uyewo kudzikisira madzimai nevasikana.

Asi mukuru wezvirongwa kuJibilika Dance Trust, VaPlot Mhako, vanoti zvizhinji zvakanaka zvinounzwa neHip-hop.

“Variko vanongoona zvakaipa chete, asi munozviziva kuti vanhu vakawanda vari kuraramiswa neHip-hop. Musambo uyu unopawo veruzhinji mukana wekutaura zviri mundangariro dzavo. Saka handiwirirani nekuti Hip-hop yakaipa. Dai yakaipa isiri kuridzwa munzvimbo dzakawanda munyika medu maridzirwo airi kuitwa."

Mushandi wekumuzinda weAmerica muZimbabwe, VaButholezwe Nyathi, vanoti vaimbi vechidiki vakawanda vachadzidz azvakawanda kubva muchirongwa ichi.

“Pamwongo wechirongwa chedu ndepekuti tinoda kudzidzisavaimbi ava pamusoro pekukosha kwemashoko eHip-hop mukukusha shoko rekupedza mhirizhonga neznira dzakanaka; kusimudzira nharaunda uyewo kuwana chouviri nekuimba musambo uyu. Semuzinda, tinovimba kuti donzvo redu richazadzikiswa.”

Nyanzvi dzeHip-hop ina dzabva kunyika yeAmerika, dzinoti Lady Beast, Dee-1, Nick Neutronz naKritigi Rao, dzichange dzichidzidzisa vese vane chekuita neHip-hop, pamusoro pekubika mumhanzi uyu, kutamba uye kuwana chouviri kubva pamusambo uyu.

Pane zvizvarwa zveZimbabwe makumi masere nezvishanu zviri kupinda muhurongwa uhu. Vanhu vanodarika mazana matatu kubva kumativi ose enyika vanonzi vakanga vanyorera kupinda muhurongwa uhu, asi vechidiki makumi masere nevashanu chete ndivo vakabudirira kuwana mukana wekupinda muchirongwa ichi.

Musi wa19 Chikumi, kuchaitwa mutambo wekupeta zvidzidzo izvi, apo vaimbi vemuZimbabwe vacharatidza matarenda avo, uyewo kuratidzawo veruzhinji zvavanenge vadzidza muchirongwa ichi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:49 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG