Accessibility links

Breaking News

Vamwe Voti Mashoko eRBZ eKuti Zvicherwa Zviri Kutsigira Mari yeMunyika Zvakakwira Huwandu Hwazvo Anogona Kunge Angori eKungosimbisa ZiG


Mari itsva yeZiG. vamwe vanoti havasati vatomboiona kubva zvayaparurwa muna Kubvumbi.
Mari itsva yeZiG. vamwe vanoti havasati vatomboiona kubva zvayaparurwa muna Kubvumbi.

Dzimwe nyanzvi mune zvehupfumi pamwe nevamwe vanoongorora zvehupfumi vanoti mashoko agavhuna vebhanga guru renyika reReserve Bank of Zimbabwe, VaJohn Mushayavanhu, ekuti mari yekunze pamwe nezvicherwa zviri mumatura zviri kutsigira mari itsva yeZiG zvakakwira nemari inoda kusvika kuzana remamiriyo emadhora ekuAmerica mukati memwedzi mitatu anogona kunge ari ekungoda kutsigisa mari itsva iyi sezvo isati yanyatsotambirwa nevamwe.

Nyanzvi mune zvehupfumi vari chipangamazano chebhanga guru renyika reR-B-Z, VaPersistence Gwanyanya, vanoti sezvavagara vachitaura, kukwira kwepfuma iri mumatura yakatsigiriswa nayo mari yemunyika kunounza dzikamiso kumari yemunyika.

Asi vanoongorora zvehupfumi vakazvimirira, VaMasimba Kuchera, vanoti mashoko agavhuna aya anogona kunge angori mashoko ekusimbisa mari itsva yeZiG iyi sezvo isati yanyanya kutambirwa neveruzhinji asi kusina zvikuru zviri kuitika kumatura ezvicherwa.

Mashoko aVaMushayavanhu aya ari kuuya panguva iyo vamwe munyika vari kuti havasati vatomboona mari yeZiG kubva zvayakaparurwa muna Kubvumbi wegore rino.

Saka kukwira kwehupfumi huri kuitsigira uku kungareva here kuti R-B-Z inenge yave kuwedzerawo mari iri kutenderera munyika? VaKuchera vanodzoka vachiti kuwedzera mari iri kutenderera munyika kunogoneka chete zvichionekwa kusimuka kunenge kuchiita hupfumi hwenyika.

"Chavari kutya ndechekuti vakaisa mari yakawanda iri kutenderera inokasika kushaiwa huremu. Saka kuisa mari zvishoma nezvishoma vari kuda kuti zvinge zvichifambiranawo nekusimuka kuri kuita hupfumi, asi dambudziko rataona ritori rekuti vanhu vakawanda vari kuti havasi kukwanisa kuwana mari yachona. Havasati vambosangana nayo," vanodaro VaKuchera.

Imwe nyanzvi mune zvehupfumi vachidzidzisa paDevry University kuOhio muno muAmerica, Muzvinafundo Elliot Masocha, vanotiwo sezvakataurwa naVaMushayavanhu, kukwira kwehuwandu hwemari nezvicherwa zvinotsigirwa ZiG ndiko kucharevawo huwandu hwemari ichadhindwa neR-B-Z.

Vachitaura nebepenhau reSunday Mail, VaMushayavanhu vakati mari nezvicherwa zviri kutsigira ZiG zvakakwira kubva pa US$285 million muna Kubvumbi kuenda pa US$370 million, vachiti izvi zvakauya mushure mekuwanda kwegoridhe rakabva kune vemigodhi ichiri kusimukira.

Izvi zviri kuuyawo panguva iyo mutungamiri wenyika VaEmmerson mnagagwa vakaruma nyika nzeve vachiti Zimbabwe inotarisira kunge isisashandisa dhora remuAmerica panosvika 2030, kunyange hazvo zvichinzi zvikamu makumi masere kubva muzana zvekutengeserana kunoitika munyika zvinoitwa mumari yekunze.

Dzimwe nyanzvi dzezvehupfumi dzinoti zvinonetsa kuziva kuti nyika ingada marii yekushandisa munyika sezvo pari zvino Zimbabwe iri kushandisa mari dzakawanda dzinosanganisira dzekunze nedzemumafoni.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG