Accessibility links

Breaking News

Vagari vekuBikita nekwaGutu Vogara Vachitya Kutorerwa Minda neKambani yeZvizvarwa zvekuChina


Vamwe vagari vekuBikita nekwaGutu vanoti vari kugara vakabatira hura mumaoko vachityira kubviswa munzvimbo dzavagere nevaridzi vekambani yeBikita Minerals, iyo iri kupega nzvimbo dzairi kutsvaga zvicherwa zve Lithium ne Tentalite muminda yavo.

Bikita Mines yakatengwa nezvizvarwa zvekuChina kuburikidza nekambani ye Sinomine Resource Group

Vagari vemunzvimbo idzi vanoti kambani iyi yakatosungisa vamwe vagari vemurani rekwaMurape iro rine mhuri makumi mashanu nevaviri dziri kuda kubviswa vachinzi vari munzvimbo ine zvicherwa zviri kudiwa nekambani iyi.

Asi vagari ava vanoti nzvimbo yavari kuda kubviswa inzvimbo yemadziteteguru avo iyo vakatanga kugara kwemakore anodarika makumi matatu.

Mumwe wevakasungiswa akaendeswa kudare reBikita Magistrate, VaRichard Charumbira, vanoti vakaregedzwa nedare sezvo nyaya yavo iri mudare repamausoro reHigh Court uko vakaendesa kambani iyi kuti isavabvise munzvimbo yavo.

“Svondo rapera vakatisunga futi vakatiendesa kukamba tikararako vakazotiendesa kucourt tikasvika tikanzi yaya yedu iri kuHigh court tikadzoserwa kukamba uko vakasvika vachititi dzokerai kumba,” VaCharumbira vaudza Studio 7.

KwaGutu kambani iyi iri kugadzira migwagwa mumisha yevanhu kunzvimbo dzakaita sekwaChiwara, Masema, Dewende kusvika mugomo reRasa kwaBhasera umo munofungidzirwa kuti mune Lithium ne Tentalite.

Mumwe mugari wekwaChiwara, Va Tichavenga Manhunzi, vanoti vari kutyira kuti vanozoendeswa kupi kana vari kupega ava vakapuwa mvumo yekuchera mumisha yavo. VaManhunzi vati, “Saka tazopegerwa vakabvumidzwa kuchera kwatichanogara ndekupi vanhu vari kutya kuti tozonzi zvionerei mega isu takutochera pano”

Asi mutauriri wekambanai yeBikita Minerals , VaCollins Nikisi, vanoti havakwanisi kupindura nyaya yekwaMurape nekuti chirongwa chehurumende kambani yavo haisi munyaya iyi.

Panyaya yekupinda mumaruwa kwaGutu nedzimwe nzvimbo muBikita, VaNikisi vanoti manyepo vachiti vane zvicherwa zvakakwana pamugodhi wavo zvinosvika 60 million metric tones avachachera kwemakore makumi maviri anoterevera. VaNiki vati, “Ayo manyepo, isu seBikita takatopedza exploration kare, zvicherwa zviri kwanaGutu zviishona uye hazvina huremu mumarkert saka hatineyi nacho.”

Gurukota rinoona nezvezvicherwa munyika, VaWinston Chitando, vange vasingadairi nhare yavo kana kupindura mibvunzo yedu kuti tinzwe divi rehurumende.

Asi munyori muhofisi yegurukota reMasvingo, Va Addmore Pazvakavambwa, vanoti nyaya idzi hadzisati dzasvika muhofisi yavo. VaPazvakavambwa vati, “Hatina kumboona humbowo hwakadaro kuhofisi kwedu asi kana vachiri munzira tichaona vasvika.”

Ishe wemunzvimbo iyi, Mambo Marozva, VaIshmael Mudhe varamba kutaura neStudio7 kuti tinzwe zviri kuitika kuvagari vekwaMurape pamwe nevamwe muBikita.

Mutauriri weEnviromental Management Authority muMasvingo, VaMunyaradzi Mtisi, vanoti vachamboferefeta nyaya iyi vasati vatipa divi ravo.

Asi mukuru wesangano reBikita Institute of land Development, VaMountain Mujakachi, vanoti vari kutambira zvichemo izvi kubva kuvagari vekwaMurape nedzimwe nzvimbo uye vari kukurudzira hurumende igadzirise nyaya iyi. VaMujakachi vati, “Saka kana pakadaro ngapagarwe pasi nguva ichipo vanhu vasati vave nepfungwa dzimwe panozoipa vanhu vakarwisana.”.

Gweta rinorwira kodzero dzevanhu, VaMadock Chivasa, vanoti hazvisi pamutemo kuti vanhu vanobviswa munzvimbo dzavo vasina kupuwa kwekuenda. VaChivasa vati, “Hazvisi pamutemo kuti vanhu vabviswe pamisha yavo vasina kupihwe kwekuenda uye hazvitarisirwi kuti munhu angokaruka asvika pamba pevanhu vasingamuzivi uye kuti ane authority here yekutarisa zvicherwa,”

Kambani ye Sinomine Resource Group yakatenga Bikita Minerals muna 2022 nemari inodarika zana nemakumi mapfumbamwe emamiriyoni emadhora ekuAmerica kubva kukambani ye African Metals Management Services iyo yaive nezvikamu makumi maviri nezvitanhatu kubva muzana pamwe neSouthern African Metals and Minerals iyo yaive nezvikamu makumi manomwe nezvina kubva muzana mukambani ye Bikita.

Mukuru we Center for Natural Resources Governance, Va Farai Maguwu, vanoti makambani ekuChina ari kutyora kodzero dzevashandi nekuti hurumende hapana matanho airi kutora.

Asi kambani ye Sinomine Resource Group inoramba nyaya iyi iichiti yakagadzira nekuvandudza migwagwa yakawanda uye kuvaka makiriniki nekuchera zvibhorani kuti vagari vawane mvura yakachena.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:58 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG