Accessibility links

Breaking News

Chizvarwa cheZimbabwe Chiri muOhio kuAmerica, Doctor Rumano, Voshura Mare neKurima Chikafu cheKumusha


Mumwe weminda yaDoctor Moses Rumano kuOhio muAmerica.
Mumwe weminda yaDoctor Moses Rumano kuOhio muAmerica.

Muchikamu chedu chatinotarisa zviri kuitwa nevana veZimbabwe vari kunze kwenyika, nhasi tine hurukuro naDoctor Moses Rumano, avo vari kurima zvinonwisa mvura vari mudunhu reOhio muno muAmerica.

Doctor Rumano vanoti vave kurima ndima inosvika maeka makumi mana ayo avakaisa zvirimwa zvakasiyanasiyana zvinosanganisira chibage, nzungu, mbatatisi, zvekumusha zvinoti zviyo, ipwa nenyevhe uye vakavakawo matura echizvino zvino ekuchengetera chibage nezvimwe zvirimwa zvavo.

Vane kambaniwo zvakare yeRedstar Maputi iyo inogaya upfu hwave kutengeswa mumatunhu akawanda emuAmerica nekuCanada, uye vanogadzirawo zvakare maputi pamwe nejemu.

Doctor Rumano, avo vanoti vari kurerutsirwa basa nekuti vave kushandisa michina mubasa rose ravari kuita mukurima, vanoti vari kubatsirwawo zvakanyanya nevavakidzani vavo kwakare kuOhio izvo zvinozovapa mukana wekuti vakwanise kuramba vari mubasa ravo rekudzidzisa.

Asi vanoti dambudziko ravo guru nderekushaya vashandi vane hunyanzvi hwekuziva zvirimwa zvekuZimbabwe zvavari kurima pari zvino vachiti vane hurongwa kwekufambira mavhiza ekuti vakwanise kutora nyanzvi mune zvekurima dzinobva kumusha dzichizovabatsira kukohwa.

Doctor Rumano vanoti zvirimwa zvekumusha zvakaita semuboora nemunyemba zvavari kurima zvinotoda munhun wekumusha ane ruzivo rwekuzvikohwa pamwe nekuzviomesa.

Vanokurudzira zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika zvinenge zviine mukana wekurima kuti zvishandise mukana uyu nemaoko maviri.

Doctor Rumano vakatanga kurima chibage muna 2015 vachiti ndechekudya nemhuri yavo, asi vakazoona vasara nechibage chakawandisa zvekushaya zvekuita nacho, izvo zvakazovapa pfungwa yekugadzira maputi pamwe nekugaya upfu vachitengesa.

Vanoti vanoda kubatsirwa munyaya dzekurima vakasununguka kuvabata padandemutande ravo rinoti https://www.redstarmaputi.com

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:27 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG