Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yocherechedza Zuva reKurwisa Huwori


Zimbabwe Anti-Corruption Commission
Zimbabwe Anti-Corruption Commission

Zimbabwe yabatana nedzimwe nyika nhasi mukucherechedza zuva rekurwisa huwori kana kuti africa anti-corruption day paine kurudziro yekuti vanomhan’ara nyaya dzehuwori kana kuti “whistlblowers” vachengetedzwe kuti hondo yekurwisa huwori ibudirire.

Masangano anoti reZimbabwe Lawyers for Human Rights neTransparency International Zimbabwe aburitsa mashoko kuvatori venhau achikurudzira kuti zimbabwe iise runyoro rwayo pachibvumirano chekuchengetedza vanofumura huori ava cheAfrican Union Convention on Preventing and Combatting Corruption. Zimbabwe yave nemakore makumi maviri isina kuisa runyoro rwayo pachibvumirano ichi.

Vachitaura pagungano raitwa muAfric Unity Square, sachigaro weZimbabwe Anti- Corruption Commission (ZACC), VaMichael Reza, vati huwori hwatekeshera zvakanyanya mumakanzuru, makambani ehurumende kunyange nekumadzishe nemasabhuku.

VaReza vati ongororo yakaitwa neTransparency International inoratidza kuti nyika zhinji dzemuAfrica dzine huwori hunotyisa asi vakati havabvumirani nazvo vachiti nyika dzekumaviriri dzinobvumira vanoita huwori muAfrica kuviga mari dzavo kunyika idzi uye dzinoramba kubatsira Africa painenge yave kuda kudzora mari iyi.

“Kana kuine mari yakaenda kuAmerica, kuGermany kana kunze kwenyika tine mitemo yatinonshandisa kukumbira kubatsirwa nedzimwe nyika. muAfrica muno tinobatsirwa zvakanyanya asi muEurope tinoita kadambudziko nekuti pamwe mapepa acho akaenda haadzoke.”

Mukuru weTransparency International Zimbabwe, VaTafadzwa Chikumbu, vati zvakakosha kuti nyika iite hukama hwakanaka nenyika idzi kuti ibatsirwe pakurwisa huwori.

“Tinofungidzira kuti pamwe nenyika dzavanga vachitaura mitemo iyoyo inogona kunge isipo asi vakadyidzana nenyika idzi zvakanaka tinoona kuti vanokwanisa kubatsirwa kuti nyaya dzehuwori dzipedzwe.”

VaReza vati ZACC ichishanda nemapurisa, National Prosecuting Authority, masangano akazvimirira nemamwe mapai ehurumende irikuedza napose painokwanisa kurwisa howori.

Vati nyaya dzehuwori dzakamhan’arwa kuZACC gore rapfuura dzakadzikira kusvika pamazana matatu negumi kubva pana mazana matatu nemukumi matatu neshanu muna2022.

VaReza vati izvi zvinogona kuenderera mberi kana vakaramba vachishanda zvakasimba uye pakadzikwa mutemo wekuchengetedza vanomhan’ara huwori.

Mhemberereo dzegore rino dziri kuitwa pasi pedingindira rekuti “Effective Whistleblowers Protection Mechanism: A Critical Tool in the Fight Against Corruption.”

Mumashoko averengwa nemumumwe mukuru mubazi ravo, VaLovec Masuku, mukuru weNational Prosecuting Authority, Justice Loice Matanda-Moyo vatiwo kana pakave nemutemo wekuchengeta vanomhan’ara huwori vakawanda vanosununguka kuburitsa pachena huwori huri kuitika munyika.

“Semukuru wevachuchusi ndinokurudzira kuti mutemo wekuchengetedza vanomhan’ara huwori ugadzirwe mekukasika’

Vatiwo Africa iri kurasikirwa nemambhiriyoni zana nemakumi mana emadhora ekuAmerica nekuda kwehuwori kozotiwo nemabhiriyoni makumi matanhatu nekusafambiswa kwemari zvine mwero kana kuti Illicit Financial Flow pachirungu.

Zuva reAfrican Union Anti-Corruption Day rakatanga kucherechedzwa makore masere apfuura uye rinocherechedzwa musi wa11 Chikunguru gore rega rega.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG