Accessibility links

Breaking News

Mapurisa emuZambia Anorambidza Kuratidzira Kwanga Kwakarongwa neZvizvarwa zveZimbabwe


Mapurisa eZambia achirambidza vanhu kuratidzira paMulungushi International Conference Centre muLusaka.
Mapurisa eZambia achirambidza vanhu kuratidzira paMulungushi International Conference Centre muLusaka.

Mapurisa emuZambia nemusi weChina arambidza kuratidzira kwanga kwakarongwa nezvizvarwa zveZimbabwe paMulungushi International Conference Centre zvichida kusvitsa gwaro renyunyuto kune makurukota enyika dzemuSADC ari kupinda musangano weOrdinary Meeting of the Ministerial Committee of the Organ (MCO) on Politics, Defence and Security Cooperation.

Vamwe vevanhu vanga vachida kuratidzira ava vaudza Studio 7 kuti vashamisika nedanho remapurisa iri sezvo akambenge avapa mvumo yekuratidzira kwemazuva maviri ari kuitwa musangano uyu, uyo uri kupera neChishanu.

Asi zvizvarwa zveZimbabwe izvi zvinoti zvazokwanisa kunosiya gwaro renyunyuto iri kumahofisi ebazi rezvekudyidzana nedzimwe nyika muZambia, iro rinonzi ratambira nekusaina gwaro iri iro richanosvitswa kumutungamiri wenyika iyi VaHakainde Hichilema, vanove sachigaro weSADC pari zvino.

Zvimwe zvinonzi zviri mugwaro renyunyuto iri zvinosanganisira zvekuti mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vasatora chigaro chasachigaro weSADC mwedzi unouyasezvo vachinzi vari kutyora kodzero dzevanhu uye vachipomerwa mhosva yekubira sarudzo gore rapera.

Zvimwe zviri kupomerwa hurumende mabatiro ainonzi iri kuita vanopikisa pamberi pemusangano mukuru weSADC uri kutarisirwa kuitwa munyika munaNyamavhuvhu wegore rino.

Gwaro renyunyuto rasiiwa kuhurumende yeZambia nezvizvarwa zveZimbabwe.
Gwaro renyunyuto rasiiwa kuhurumende yeZambia nezvizvarwa zveZimbabwe.

Asi hurumende yagara inoramba zvipomerwa zvekuti iri kumbunyikidza vanhu ichiti ine ruzivo rwekuti pane vari kuda kukanganisa musangano weSADC uri kuitwa munyika mwedzi unouya.

Inorambawo zvakare kuti sarudzo dzakabiridzirwa zvemhando yepamusoro kunyange hazvo masangano akawanda akaongorora sarudzo anosanganirisira reSADC akati sarudzo idzi hadzina kufamba zvakanaka.

Izvi zviri kuuyawo apo nhengo makumi manomwe nepfumbamwe dzeCCC inotungamirirwa naVaJameson Timba, kusanganisira naivo VaTimba, dzichiri muhusungwa kubva zvadzasungwa musi wa 16 mwedzi wapera.

Sangano reHuman Rights Watch svondo rino rakakurudzirawo SADC kuti itsiure Zimbabwe kuti isiyane nekuramba ichityora kodzero dzevanhu.

Vanoongorora zvematongerwo enyika vakazvimirira, VaTawanda Dzvokora, vanoti hurumende iri kutya vanhu saka iri kuramba ichisunga nekuchengetedza vanopikisa.

VaDzvokora vanoti zviri pachena kuti hurumende ine hurongwa hwekuzoburitsa vasungwa ava mumajeri kana musangano weSADC wapera, asi vanoti izvi hazvisi kuzotadzisa vana veZimbabwe kuenderera mberi nekuratidzira pachaitwa musangano uyu.

Vanotiwo kuenda kunoratidzira vari kuZambia kune musangano weSADC ndiyo chete nzira inokwanisa kuteverwa nevana veZimbabwe vanoda mutemo vasingade zvekudeura ropa, saka vakaona zvakakodzerra kunoratidzira vari kune musangano uyu.

Asi vanoongorora zvematongerwo enyika vakarerekera kuZanu PF, Doctor Masimba Mavaza, vanoti nhengo dzeCCC dzichiri muhusungwa hadzisi kuchengeterwa mahara asi kuti dare richiri kuongorora humbowo hunobva kuvafakazi, mapurisa nemamwe mapoka.

Doctor Mavaza vanoti zviri kuitwa nevanopikisa zvekonratidzira vari kuZambia hazvina musoro vachiti kuratidzira vari kuZambia hazvina zvazvinoreva, uyezve hapana anoziva kuti vanhu vachaungana kuZambia zvizvarwa zveZimbabwe here kana kuti kwete.

Doctor Mavaza vanoramba kuti hurumende ine zvairi kutya zviri kuita kuti isunge vanopikisa nevanorwira kodzero dzevanhu, vachiti vanosungwa vanhu vanenge vatyora mutemo wenyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:07:53 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG