Accessibility links

Breaking News

VaKazembe Kazembe, Mukuru weVasori neVamwe Voendeswa kuMatare neNyaya Yekuitwa Kafiramberi neVasori kweNhengo yeParamende yeCCC


VaTakudzwa Ngadziore
VaTakudzwa Ngadziore

Nhengo yedare reparamende yechimwe chikwata chebato reCitizens Coalition for Change VaTakudzwa Ngadziore vaendesa gurukota rezvemukati menyika VaKazembe Kazembe, mukuru wevasori VaIsaac Moyo, mukuru wemapurisa VaGodwin Matanga, vasori vavanoti vakavapamba vakavaita kafiramberi VaNicholas Kajese naVaAbraham Pasi kumatare kuti vavaripe mari inosvika zviuru zana nemakumi mashanu kana kuti US$150 000.

VaNgadziore vakapambwa musi wa1 Mbudzi gore rapera nevanofungidzirwa kuti vasori ava vakarohwa zvakaipisisa. Ndokusiya vakandwa musango kuChriston Bank pedyo neguta reHarare. Vanoti zvakaitwa izvi kutyora kodzero dzavo semwana weZimbabwe.

Masangano akaita seUnited Nations, European Union uye hurumende yeAmerica akashora zvikuru nyaya yekupambwa kwavo uku. VaKazembe nevakuru vemapurisa vakavimbisa kuferefeta nyaya iyi asi kusvika parizvino hapana asungwa kunyangwe VaNgadziore vakakwanisa kutora vhidhiyo yevakavapamba.

Tayedza kubata VaKazembe kuti tinzwe divi ravo asi vange vasiri kudaira nharembozha yavo.

VaNgadziore vaudza Studio 7 kuti vafunga kuenda kumatare kuti zvavakaitwa zvekumbunyikidzirwa kodzero dzavo zvisadzokororwe kune vamwe vanhu munyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:57 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG