Accessibility links

Breaking News

Ko VaBiden Vakarega Kukwikwidza Ndiyani Achatungamira maDemocrats Musarudzo?


Mutungamiri wenyika yeAmerica VaJoe Biden vari kuramba kurudziro yevamwe vakuru mubato ravo yekuti vasiire mumwe anotemwa dzinobva ropa kuti akwikwidze musarudzo yemutungamiri wenyika muna Mbudzi.

Izvi zvinotevera kutatarika kwavakaita pagakava nevavari kukwikwidzana navo musarudzo VaDonald Trump. Asi ko VaBiden vakabuda mudariro ndiyani angatungamire bato ravo remaDemocrats musarudzo idzi?

VaBiden vanoti vari kukwikwidza kuti vakunde musarudzo iyi. “Ndinofunga ndini ndakakodzera uye ndiine zvinodiwa zvose kuti munhu atungamire nyika.”

Asizvichitevera kutatarika kupindura mubvuinzo mwedzi wapera paiitwa gakava, vamwe vebato ravo vari kuti vakwegura nekudaro ngavape mumwe chimuti vabude mudariro.

Asi mushure mekusarudzwa nevanhu musarudzo dzemaprimary nemaDemocrats, Mukuru mubazi rezvematongerwo enyika paUniversity of Virginia Center for Politics VaLarry Sabato vanoti, Pane nzira imwe chete yekubvisa anenge asarudzwa nevanhu, kuti iye wacho asarudzwa ati haachadi pasati paitwa gungano guru rekuti atenderwe kukwikwidza zviri pamutemo kana kuti convention opa vakuu vebato rake panyaya yatiri kutaura nezvayo inenge iri Democratic National Committee kuti itungamire kuti anotungamira osarudzwa sei.”

VaBiden vakati havachakwikwidze mutevedzeri wavo Amai Kamala Harris ndivo vanenge vaine mukana wakakura wekutungamira. Asi Amai Harris vanoti VaBiden ndivo vakasarudzwa vachibva vashora VaTrump avo vakatadza kuwirirana neaive mutevedzeri wavo nenyika VaMike Pence

‘Tarisaiwoka kuti pakati paVaJoe Buden naVaDonald Trump, mumwe chete wavo ndiye chete arikutsigirwa nemutevedzeri wake—ndiVaJoe Biden.”

Muzvinafundo Christian Grose vepaUniversity of Southern California vanoti Amai Harris vanokwanisa kukwezva vavhoti vachiri pakati nepakati, Vati, “Chinhu chandinofunga kuti chinopa kuti Amai Kamala Harris vakwanise kuvhoterwa kudarika VaBiden ndechekuti pane vakawanda vasati vazvipira kuti vanovhotera here Amai Harris uye zviri nyore kuti vavanyegetedze pane kuti VaBiden vaite izvi.”

Mumwe ari kunzi anogona kutora chigaro ichi ndigavhuna wekuCalifornia VaGavin Newsom. Asi ivo vanoti vari kutsigira VaBiden uye vange vari kudunhu reMichigana vachivatsvagira rutsigiro svondo rapera. VaNewsom vanoti, Ini ndinotarisa mabasa emunhu negoho racho. Ndinoona sekuti VaBiden vabudirira. Saka ndinosiira vanoda havo kupa muono wavo kuti vaite izvi. Handisi kutsvaga munhu anoda zvenyambo asi anokwanisa kutungamira kana mauto.”

Gavhuna wedunhu reMichigan Amai Gretchen Whitmer ndevamwe vari kunzi vanogona kutsiva VaBiden. Asi naivo vanoti vari kuvatsigira. Amai Whitmer vakakunda musarudzo mudunhu rakakosha zvikuru sezvo risina divi rarakanyatsorerekera.

Vane rutsigiro rwakawanda kubva kumaDemocrats sezvo vachitsigira masangano evashandi nekuyedza kuderedza nyaya dzekuti vanhu vakwanise kutenga pfuti zviri nyore. Amai Whitmer vati, Svondo rega rega muAmerica, panobuda nyaya dzinorwadza moyo dzekupfurwa kwevanhu. Nzvimbo dzose muAmerica dzakanganiswa nenyaya yemhirizhonga yepfuti.”

Gavhuna wedunhu reKentuck VaAndy Beshear havazivikanwe hazvo saVaNewsom kana Amai Whitmer asi vanodiwa zvakanyanya mudunhu rekuchamhembe kweAmerica uko kune vakawanda vanotsigira maRepublicans.

Gavhuna weIllinois VaJ. B. Pritzker ndivo vane dunhu riri kuitirwa musangano mukuru wemaDemocrats uye vane hupfumi hwekukwanisa kutsvaga rutsigiro munguva pfupi pfupi.

Kunawo Amai Michelle Obama, mudzimai wemutungamiri wenyika VaBarack Obama avo vanoti havasi kuda kupinda musarudzo yemutungamiri wenyika. Asi vane rutsigiro rwakakura kubva kumaDemocrats. Ongororo yakaitwa neReuters-Ipsos svondo rapera inoratidza kuti VaBiden naVaTrump vakaita mangange asi Amai Obama vanokunda VaTrump nezvikamu gumi kbva muzana. Asi VaSabati vanoti havaone vachikwikwidza,

“Munhu ane ane ruzivo rwekuti apedza makore masere ari muWhite House ade kudzokera zvakare ave mutungamiri wenyika.” Vatiwo, “Saka tinogona kukanda mazita mudariro asi chakakoshandechekuti ndiyani ane chido chekutungamira uye anokwanisa kuunganidza mari kuti akwanise kuwana rutsigiro pagungano reconvention.”

Asi VaBiden vakati vari kuda kukwikwidza, vanhu vacharamba vachiita fembera fembera iyi kusvika mwedzi unouya pachaitwa

If Biden stays in the race, that speculation about other names may carry on through Democratic Party kuChicago.

Nyaya iyi yatumirwa na((Scott Stearns, VOA News mukaiverengerwa neni Blessing Zulu VOA Washinton.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:42 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG