Accessibility links

Breaking News

Susan Chenjerai Gamba muNyaya dzeMitambo Aradzikwa Nhasi


Mutumbi waSusan Chenjerai
Mutumbi waSusan Chenjerai

Vanhu vakawanda vaungana kumarinda eWarren Hills muHarare nhasi pakuradzikwa kwegamba munyaya dzemitambo Susan Chenjerai aizivikanwa nerekuti “Amai Rwizi” mumutambo wepaterevhizheni yeZBC wakaita mukurumbira munyika makore adarika wainzi “Mhuri yekwaMukadota”

Vaungana kuzoonekana nemufi vanosanganisira vanoita zvemitambo, vashandi vehurumende, vemakereke pamwe nehama neshamwari.

Munyori mukuru mubazi rezvemitambo VaNicholas Moyo vati vafara kuti hurumende yabatsira pakuradzikwa kwavo runova ruremekedzo rwukuru.

akamboshanda naChenjerai mune zvemitambo vari mutambi uye vachitungamira sangano reAfrica Sun Motion Pictures VaStephen Chigorimbo vatsanangura mushakabvu semunhu akakurira vamwe vatema nzira munyaya dzekuita zvemitambo.

Mutambi wechidzimai Kesia Masona anozikanwa neremadunhurirwa rekuti Muchaneta anoti mushakabvu ndiye akamupa chidokwa dokwa chekuita zvemitambo.

Mumwewo mutambi wechikuru wemuHarare Ambuya Rosemary Chiwona vanoti Amai Rwizi munhu akasimudzira tsika nemagariro evatema.

Vachitaura neStudio 7, vanoongorora nezvemitambo vachishanda nesangano reComplete Arts Projects VaPeter Churu vanoti mushakabvu akaita kuti zvemitambo zviite chiremera.

Mugore ra2020, Chenjerai ndemumwe wevanosvika makumi mana vakaremekedzwa nemubairo weNAMA Legends semucherechedzo wekupemberera makore makumi mana Zimbabwe yawana rusununguko. Kusvika panguva yekushaya kwake, Chenjerai ange akambosiya zvemitambo ave mufundisi mukereke yeThe New Gospel Church of God uye ange ave nemakore makumi masere nematatu ekuberekwa (83).

Chenjerai akatanga zvemitambo kumakore ekuma1950s asati atanga zvekuimba. Mugore ra1951 ange ari nhengo yechikwata chevatambi cheBantu Actors ndokuzobatana nechikwata cheMarandellas Bush Babies muna 1958.

Akashanda nevaimbi pamwe nevatambi vakaita mukurumbira vanosanganisira mushakabvu Safirio Madzikatire aizikanwa nekuti Mukadota, mushakabvu Oliver Mtukudzi pamwe naThomas “Mukanya” Mapfumo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:58 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG