Accessibility links

Breaking News

Madzishe Ave Kushushikana neHuwandu Hwevari Kugura Muchato


Madzishe nemaSadunhu anoti ari kushushikana zvikuru nehuwandu hwevanhu vari kurambana kumaruwa.

Madzimambo akawanda anoti ari kutonga nyaya dzekurambana zuva regarega vachiti zvinoita sekuti varume nemadzimai ari muwanano havacharemekedzana senguva yakare.

Sadunhu Katizagombo vekwaZvimba, VaGibson Jenami vanoti nyaya dzavari kutonga dzekurambana mudzimba dzakawanda zvekuti dziri kuvatemesa musoro.

VaKatizagombo vanoti pose pavanogara dare vanototonga nyaya dzekurambana asi kazhinji zvichikonzerwa nevarume vanenge vaita ruchiva kana kutadza kuriritira mhuri.

“Dzakawandisa zvekuti dzave kutotitemesa musoro mumatare, zvikonzero zvakasiyana asi chikuru kuoma kwehupenyu mudzimba zvekuti vazhinji vanenge voita zvechipfambi” Sadunhu Katizagombo vanotsanangura.

Sadunhu Katizagombo vanotiwo kana vanhu vabvumirana kuti vave kurambana vanogovana pfuma sekuwirirana kwavo asi kana vatadza kuwirirana ndipo pavanoenda kumatare. VaKatizagomo vati,
“Kakawanda vanowirirana pakugoverana pfuma yavanenge vainayo asi kana vatadza kuwirirana ndipo patinoti vaende kumatare makuru”

Mambo Ngezi, VaPeter Pasipamire vekuMhondoro vatendawo kuti dzimba dziri kuparara kunyange vachiedza kuti vehukama vamboyananise. Vaudza Studio 7 kuti, “Tinomboedza kudzoreredza hati kurumidze kudambura muchato, tinotombotsvaga vehukama kuti vambovanyengetedza kuti vagarisane”

Mambo Ngezi vati vanoita matare avo kamwechete pamasvondo maviri vachitonga nyaya dzekurambana dzinosvika gumi pamwedzi. Vati pane zvikonzero zvakawada zviri kukonzera kugurwa kwemichato. Vati, “Nyaya dzekubata zvinyorwa zverudo mumafoni ndidzo dzimwe dzenyaya dziri kuita kuti varume nevakadzi varambane mudzimba”

Mambo Zvimba, VaStanley Nyamhondoro vanoti kunyange nyaya dzekurambana dziri shoma mudunhu mavo, dzati wandei hadzo kudarika nguva yakare.

Mambo Zvimba vati kurasa tsika dzechivanhu pakugadzirisa kusawirirana ndiko kumwe kwave kupa kuti misha iparare.
“Madzimai nevarume mudzimba havacharemekedze wanano vave kungoti chero zvazvaita” Mambo Zvimba vaudza Studio 7.

Mutevedzeri we mukuru wemadziMambo munyika VaFortune Charumbira vekuMasvingo, vanobvuma kuti dambudziko rekurambana mudzimba ratekeshera nenyika.

Gweta rinomiririra kodzero dzevanhu zvikuru madzimai Muzvare Seppy Ndlovu vanoti zviri kuita MadziMambo zvekurambanisa vanhu vanemichato isina kunyoreswa nekupanana gupuro zviri pamutemo. Muzvare Ndlovu vati, “Madzimambo pamutemo anogona kurambanisa vanhu vari muchato usina kunyoreswa nekupanana gupuro uye kugovanisa pfuma yezvipfuyo kwete dzimba nezvimwe zvine magwaro”

Mapurisa, vanorwira kodzero dzemadzimai vakaita seZimbabwe Women Lawyers Association vanoti mhirizhonga mudzimba ndiyo iri kukonzera kuti michato yakawanda igurwe.

Muna Chivabvu gore rino pazuva rimwe chete, dare reHigh Court Family Law muHarare rakatonga nyaya dzekurambana makumi mashanu neshanu pazuva rimwe chete. Vanhu zana nemakumi masere nemashanu vakarambana mumwedzi mumwe chete.

Judicial Services Commission (JSC) inoti kuBulawayo gore rapera, vanhu mazana matanhatu nemakumi mashanu nevasere vakarambana. Matare anoti nyaya dzekurambana dzakatanga kuwedzera zvakanyanya muna 2014.

Nyanzvi dzinoti michato zvikamu makumi maviri kubva muzana kana kuti 20% ichagurwa munyika kana zviri kuitika zvikaramba zvichiitika.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:10 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG