Accessibility links

Breaking News

VaTrump Vanoti Vapfurwa Nzeve


Election 2024 Trump
Election 2024 Trump

Vaimbova mutungamiri wenyika yeAmerica VaDonald Trump vanoti vanzwa bara richipfura nepaganda pavapfurwa panzeve kuPennsylvania kwavange vachiita musangano wekutsvaga rutsigiro pamberi pesarudzo yemutungamiri wenyika iri kuitwa muna Mbudzi gore rino.

Republican presidential candidate former President Donald Trump is helped off the stage at a campaign event in Butler, Pennsylvania, July 13, 2024.
Republican presidential candidate former President Donald Trump is helped off the stage at a campaign event in Butler, Pennsylvania, July 13, 2024.

Vachinyora padandemutande ravo reTruth Social, VaTrump vati, “Ndapfurwa panzeve nebara, ndabva ndangozvinzwa kuti pane zvinhu zvisina kumira zvakanaka apo ndanzwa bara richindivhunga, ndanzwa bara richibvarura ganda rangu.”

Matikitivha anoti ange achida kuuraya VaTrump uyu ange asiri pamusangano asi panzvimbo yakakwirira. Anonzi apfurwa akafa nevanochengetedza VaTrump. Mumwe munhu ange ari pamusangano uyu anonzi afawo. Asi izvi zvichiri kuferefetwa.

Biden
Biden

Mutungamiri wenyika VaJoe Biden vashorawo zvikuru kuridzwa kwepfuti pamusangano waVaTump vakati zvinhu zvakadai hazvitarisirwe muAmerica. Vati, “Uku kurwara, ndicho chikonzero chatinofanira kubatanidza nyika yedu.” Vati vamboyedza kutaura naVaTrump asi vange vaina anachiremba vavo.

Vaimbova mutungamiri wenyika yeAmerica VaBill Clinton nemudzimai wavo Amai Hillary Clinton vashorawo kuda kupfurwa kwaVaTrump uku. Vachinyora padandemutande reX, vaviri ava vati, “Mhirizhonga haikurudzirwe muAmerica uye hapana anoitambira zvikuru munyaya dzezvematongerwo enyika." Vatizve, "Hillary neni tinotenda kuti VaTrump vari nani, tiri kurwadziwa nevatarisanana nenhamo nekuda kwechitiko ichi kuPennsylvania. Asi tinoda kutenda vasori nekutora matanho nekukurumidza.”

Obamas
Obamas

Vaimbova mutungamiti weAmerica VaBarack Obama nemudzimai wavo Amai Michelle Obama vashorawo kuridzwa kwepfuti kwaitwa pamusangano waVaTrump. VaObama vati, “Tiri kutura befu kuti VaTrump havana kukuvadzwa zvakaipisisa, uye tinofanira kushandisa mukana uyu kuzvipira kuita zvematongerwo enyika zvisingaunze ruvenge asi kuremekedzana."

VaGeorge W. Bush naAmai Laura Bush
VaGeorge W. Bush naAmai Laura Bush

Vakambotunganirawo nyika yeAmerica VaGeorge Bush nemudzimai wavo Amai Laura Bush vatiwo vari kufara kuti VaTrump havasi munjodzi vakatenda vasori nekuvadzivirira.

Munhoroondo yeAmerica mune vatungamiri venyika vane chitsama vakaurayiwa kana kuti vakada kuurayiwa. VaAndrew Jackson muna 1835 vakayedza kuurayiwa asi pfuti inonzi yakaramba kurira vakapona.

Ronald Reagan assassination attempt
Ronald Reagan assassination attempt

Vatungamiri vatatu vakakuvara vachida kuurayiwa vaniotu VaTheodore Roosevelt, 1912, VaRonald Reagan, 1981 uye VaTrump 2024.

Abraham Lincoln,
Abraham Lincoln,

Vatungamiti vana vakaurayiwa vari muhofisi uye vanoti VaAbraham Lincoln (1865), James A Garfield 1881, William McKinley 1901 uye John F Kennedy muna 1963.

Forum

XS
SM
MD
LG