Accessibility links

Breaking News

Vakawanda muNyika neKunze kweNyika Vokatyamadzwa neKuda Kuurayiwa kweVaimbove Mutungamiri weAmerica VaDonald Trump


VaDonald Trump vakapfurwa panzeve kuPennsylvania.
VaDonald Trump vakapfurwa panzeve kuPennsylvania.

Vakawanda kunze kwenyika pamwe nemunyika vari kusvora zvikuru kupfuurwa kwakaitwa vaimbove mutungamiriri weAmerica uye vari kukwikwidza vakamirira bato rinopikisa remaRepublicans, musarudzo yekutsvaka mutungamiri wenyika, yegore rino, VaDonald Trump, neMugovera pamusangano wekutsvaga rutsigiro wavakaita mudunhu rePennslyvania.

VaTrump, avo vari kumirira bato remaRepublicans musarudzo yemutungamiri wenyika, vakapoma nepaburi retsono apo vakapfurwa panzeve vari pakati pekutaura pamusangano wavo wekutsvaga rutsigiro nemumwe murume uyo akazopfurwawo akafa nevanochengedza VaTrump.

VaTrump vanonzi vari nani zvavo uye kupfurwa kwavo kwakasvorwa nemutungamirri weAmerica, VaJoe Biden vebato remaDemocrats, avo vavari kukwikwidzana navo musarudzo dzekutsvaka mutungamiri wenyika muna Mbudzi.

Vatungamiriri wenyika dzakawanda pasi rese kusanganisira Britain India, Israel, Ukraine, Slovakia nedzimwe, vasvora zvakaitika muAmerica izvi.

Vana veZimbabwe vari kushoropodzawo zvakanyanya chiitiko ichi, zvikuru vachitarisa kuti America ndiyo imwe yenyika dzinotarisirwa nevakawanda kunge dziine runyararo.

Mumwe mugari wemuHarare, VaJerry Chizuza, ndemumwe wevari kusvora kupfurwa kwaVaTrump uku.

“Zvinhu zvakaitika kuAmerica zvakaipa asi zvinoratidza kuti VaTrump havasi kufarirwa.”

Mutauriri wechimwe chikwata chebato rinopikisa reCitizens Coalition for Change, VaPromise Mkwananzi, vati hazvina kunaka kutyisidzira vanhu vanenge vachikwikwidza musarudzo.

“Tinotarisira kuti sarudzo dziitwe pachena zvisina kutyityidzirana. Zvataona zvichiitika kuAmerica zvinhu zvatakaona zvakare zvichinyanya kuitika muno muZimbabwe zvakakonzera kuti sarudzo dzinge dziri sarudzo dzisina kubuda zvakanaka.”

Mutungamiriri webato reLEAD, Muzvare Linda Masarira, vatiwo zvakaitika izvi zvinoratidza kuti hutongi hwejekere hwave kudzokera kumashure muAmerica.

“Nyaya yekupfurwa kwaVaTrump inyaya inoratidza kuti hutongi hwejekerere hwave kudzokera kumashure muAmerica.”

VaFarai Marapira veZanu PF.
VaFarai Marapira veZanu PF.

Mushandi mukuru muhofisi inoona nezvekuburitswa kwemashoko muZanu PF, VaFarai Marapira, vaudza Studuo 7 kuti havatarisire kuti nyika dzinozviti ndidzo dzine hutongi hwejekerere dzakaita seAmerica dziite zvemhirizhonga panguva yesarudzo sezvakaitika nezuro izvi.

“Zvakaitika kuAmerica ssebato reZanu PF zvinotishungurudza nekuti hatitarisiri kuti kana vanhu vapihwa mukana wekuti vatsvage vatungamiriri vavanoda vasvike pakuita ruvengo rwekusvika pakupfurana mukati mechinzvimbo chekutonga nyika.”

Vanoongorora zvematongerwo enyika vachidzisa paUniversity of Zimbabwe of Zimbabwe, VaLazarus Sauti, vanoti chiitiko chane zuro chichasvibisa sarudzo dzeAmerica.

“America ndiyo yaive nechikero chakanaka chekuti sarudzo murunyararo dzinoitwa sei asi zvakaitika nezuro zvinotiratidza kuti mhirizhonga yave kupinda musarudzo dzemuAmerica uye izvo zvave kusvibisa sarudzo idzodzo dzisati dzaitwa.”

Vanoongorora zvematongerwo enyika vachishanda nesangano reCentre for Disability and Development, VaMasimba Kuchera, vati nyaya dzekupfurwa kwevezvematongerwo enyika hachisi chinhu chitsva muAmerica asi zvinhu zvisingakurudzirwe.

"Vanoouraya vanhu vezvematongerwo enyika asi hachisi chinhu chatingatarisira kuti chinhu chinofanira kupembedzwa kana kuti chirambe chichiitika mungava muno medu kana kuti iko kuAmerica.”

VaIgnatius Sadziwa, vanoongorora nyaya dzesarudzo vachitungamira sangano reZimbanwe Election Advocacy Trust vati chidzidzo chikuru chinowana Zimbabwe panyaya iyi ndechekuti mapurisa nevemutemo vanochengetedza munhu wese uyewo mutungamiriri wenyika iyi, VaJoe Biden, vakasvora mhirizhonga yakaitwa kunaVaTrump, avo vavachakwikwidzana navo, vachiti izvi hazviitike muZimbabwe.

Gurukota rinoona nezvemukati menyika, VaKazembe Kazembe, vati Zimbabwe yakaita sarudzo dzisina kupfurana sezviri kuitika kuAmerica izvi.

“Hazvisi zvinhu zvinotarisirwa pasi pano kuti kana paine nyaya dzakadai dzematongerwo enyika pawanikwe paine mhirizhonga. Isu takaita sarudzo dzedu zvakanaka pasina mhirizhonga, hapana akaurawa. Ndo zvatiri kukurudzira.”

Kupfurwa kwaVaTrump hachisi chiitiko chekutanga kuitika kumutungamiri wenyika kana kune vanoda kukwikwidza musarudzo yemutungamiri wenyika muAmerica.

Muna 1865 Vaive mutungamiri wenyika VaAbraham Lincoln vakapfurwa naJohn Wilkes Booth vakafa nmuWashington.

VaJames Garfield vakave mutungamiri wepiri kuurayiwa muna 1881.

Muna 1901 VaWilliam McKinley vaive mutungamiri wenyika vakaurayiwa vachikwazisana nevanhu muBuffalo, muNew York.

Va John F. Kennedy vakaurayiwa muna 1963 kuchitiwo Va Robert F. Kennedy vachiurayiwa muna 1968 kuCalifornia.

Vamwe vakaedza kuurayiwa vanosanganisira VaRonald Reagan, VaGeorge C. Wallace avo vaitsvaga rutsigiro, pamwe naVaGeorge W. Bush.

Vebazi reFBI vazivisa kuti murume ane makore makumi maviri ekuberekwa, Thomas Matthew Crooks, anove mugari wemu Bethel Park, muPennsylvania, ndiye munhu ane chekuita nekupfurwa kwaVaTrump.

Crooks anonzi yaive nhengo yebato remaRepublican.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG